Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanoparura Zviri paMutemo Hurongwa hweKuedza Kupodza Maronda Akakonzerwa neGukurahundi


Madzimambo ndiwo anonzi achatungamira hurongwa hwekupodza maronda eGukurahundi.
Madzimambo ndiwo anonzi achatungamira hurongwa hwekupodza maronda eGukurahundi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaparura zviri pamutemo hurongwa hwekuyedza kupodza maronda akakonzerwa nekupondwa kunonzi kwakaitwa vanhu nemauto ehurumende munguva yeGukurahundi kumatunhu eMatabeleland neMidlands pakati pa1983 na1987.

Vachitaura pachiitiko ichi, icho chaitirwa pamuzinda weState House muBulawayo, VaMnangagwa vati hurongwa uhu hunofanirwa kuva kurudziro yakasimba yekubatana nekusimbisa kuti vanhu vanosarudza kunzwirana tsitsi pane ruvengo, uye kuregererana pane kutsividzana.

Huronga uhu, uho hunonzi “Gukurahundi Community Outreach Programme,” huchatungamirwa nemadzimambo.

Chiitiko ichi chapupurwa nemadzimambo anodarika makumi manomwe, makurukota ehurumende, vashandi vehurumende pamwe nevemasangano akazvimirira.

Kunyange hazvo hurumende iri kuti yakazvipira kugadzirisa nyaya iyi, mukuru wesangano reZimRights, VaDzikamai Bere, vari kupokana nekuti hurongwa uhu hutungamirwe nemadzimambo vachiti hurumende inofanirwa kutevedzera zviri mubumbiro remitemo yenyika zvekuti hunofanirwa kutungamirwa nekomisheni yakazvimirira.

“Maonero angu ndeekuti danho iri rinopokana neConstitution yedu yeZimbabwe. Constitution yedu yeZimbabwe yakavhoterwa nemamiriyoni evanhu muma consultation meeting inoti iyo nhau dzakaita seidzi dzinofanirwa dzichibatwa nekomisheni yakazvimirira yoga. Ndosaka bumbiro redu remitemo ranga rakaumba iya yainzi National Peace and Reconciliation Commssion. Madzishe havangave vanhu vatingati vanhu vakazvimirira voga,” vanodaro VaBere.

Vanoti vazhinji vemadzimambo vanhu vanozivikanwa kuti kwemakore akawanda vakarerekera kubato riri kutonga reZanu PF, nekudaro vanenge vasina kuzvimirira panhau dzakaita seGukurahundi. Vanhu vanodarika zviuru makumi maviri kana kuti 20 000, vanonzi vakapondwa munguva iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG