Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muNyika Votsamwiswa neHuwori Hunonzi naAuditor-General Huzere muMapazi eHurumende neMakanzuru


Huwori hunonzi nehofisi yaAuditor-General huri kukonzera kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda.
Huwori hunonzi nehofisi yaAuditor-General huri kukonzera kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda.

Ongororo yemashandisirwe emari yehurumende yakaitwa naAuditor-General gore rapfuura (2023) inoratidza huwori hunotyisa mumapazi nemakambani ehurumende pamwe nemakanzuru izvo zvotsamwisa vazhinji munyika vachiti hurumende haina zvairi kuita kupedza nyaya dzehuwori, asi Zimbabwe Anti-Corruption Commission inoti vese vakaita zvehuwori vachasungwa.

Ongororo iyi inoratidza kuti pakati pa2020 na2023 hurumende yakatenga mabhazi matatu,motokari makumi matanhatu (60) pamwe nemaLaptop zana nemakami matanhatu nemanomwe (167) nemamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu zvemadhorra ekuAmerica (US$2.3 million} asi zvinhu izvi zvainge zvisati zvasvika kumapazi ehurumende pakaitwa ongororo iyi.

Ongororo iyi inoratidza kuti huwori hwakatekeshera mupapazi ehurumende nemakambani ayo akaita bazi rinoona nevechidiki, paramende pamwe nemakambani akaita seZimbabwe Tourism Authority.

Semuenzaniso pamotokari gumi nonwe dzerudzi rweNissan Navara dzakatengwa nebazi iri nemari ino mamiriyoni mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nechidimbu chamdhora emunyika (ZWL 393 171 724) kubva kumabani yeAMTEC Motors muna 2022, nomwe chete ndidzo dzakaendeswa kubasa iri uye panomwe idzodzo ina hadzina kunyoreswa muzita rebazi iri.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota revecheidiki VaTino Machakaire asi vakuru mubazi ravo vakaudza Auditor-General kuti vari kugadzirisa nyaya iyi kumotokari dzese dzakatengwa uye kuti motokari dzese dzinyoreswe muzita rrebazi iyi.

Ukuwo kambani yeZimbabwe Tourism Authority inonzi yakatengera nhengo dzebhodhi rayo grocery remadhora emuno 864 500 pamwe nemari yekubatsirika inosbvika miriyoni zvisina mvumo.

Zimbabwe Tourism Authority
Zimbabwe Tourism Authority

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuZTA sezvo mutauriri wekambani iyi VaGofrey Koti vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Mutauriri weZACC, Commissioner, Thandiwe Mlobane, vaudza Studio 7 kuti havasati vazeya zvakabuda muongororo yaAuditor-General yegore rapera asi vati vanokoshesa magwaro avanoburitsa uye vanoashandisa kusunga vanoita huwori.

“Kune vamwe vatakatosunga vakaenda kumatare edzimhosva vakawanikwa vaine mhosva vakatongerwa kuti vapedze makore maviri vachiita community service nekuti vadzosere mari dzavakaba dzakanongedzwa naAuditor-General.”

Vatiwo komisheni yavo yakatanga chirongwa cheku dzidzisa vanoona nekushandiswa kwemari mumapazi ehurumende kuti vatevedze zvinge zvataurwa na Auditor-General.

Asi mukuru anoona nekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Reuben Mbofana, vaudza Studio 7 kuti havana chivimbo chekuti dambudziko iri richagadziriwswa nekuti Auditor- General vanoburitsa nyaya dzehuwori gore rega rega pasina matanho anotorwa.

“Mukatarisa mabirwe ari kuitwa mari muhurumende zvave kutosemesa.”

Mukuru weTransparency International Zimbabwe, VaTafadzwa Chikumbu vaudza Studio 7 kuti kunyangwe Auditor-General vachiburitsa humbowo hapana zviri kuitwa nehurumende nekuti vari muhurumende ndivo vane makambani anobhadharwa mari achitadza kuendesa zvinhu zvinenge zvatengwa.

Mapurisa anonziwo haasi kuita zvikuru kurwisa huwori.
Mapurisa anonziwo haasi kuita zvikuru kurwisa huwori.

“Mukatarisa nyaya yembudzi, yehuwori hunoenderana nenyaya dzembudzi iri kutaurwa mazuvano tinoona zvekare kuti vanhu vange vainge zvikundya mumapato ezvematongerwo enyika, muhutungamiriri ndovakapihwa zvakare saka hatiwoni vaine chido chekupedza nyaya idzodzo nekuti ndozvakare vanenge vanowana pundutso kubva muhuwori hwakadaro.”

Vaenderera mberi vachitiwo makambani akawanda munyika haachina hunhu zvekuti haatombosvodi kutora mari asingaendesi zvinhu zvinenge zvatengwa.

“Tikatarisa nyaya dzekusavimbika kwemakambani emuZimbabwe ndizvo zvinoratidza kuti huwori hwatova hunhu nemagariro edu ekuti munhu haasvodi kana kurwadziwa nekuita zvakaipa.”

Vanoongorora nyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti nyaya dzehuwori munyika dzasvika pakaipa zvekuti vanhu havachaziva kuti vozvitakanura sei kubva padambudziko iri.

“Nyaya yehuwori yatatarisana nayo yave kuda kudzamisa pfungwa tichitsvaga nzira yekuti tofamba tichienda nekupi nekuti pane kuti tiseenzese mari yehurumende tichitenga mishonga inodiwa muzvipatara tiri kudzorerwa shure. Hataichainda kuVision 2030, tave kuenda kuVision 1970”

Hatina kukwanisa kunzwa divie rehurumende paanyaya iyi sezvo munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati tititaure nemunyori mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vati vanofara kana nyaya dzehuwori dzichiburitswa pachena uye vese vanoita huwori vacharangwa.

"Isu seZanu PF hatimire nenyaya dzehuwori. VaMnangagwa vakataura vakati chose chehuwori chinoitika chinofanira kuti chipihwe munhu murango wake."

Asi imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende, kana kuti Public Accounts Portfolio Committee, VaEdiwn Mushoriwa, vati paramende iri kugadzira mutemo wekuranga vese vari kubira hurumende nekupfachura hupfumi wenyika.

“Tinofanira kuti tiite mutemo unosunga munhu kana achinge atadza kushandisa kana kutora matanho akanaka ekuchengetedza hupfumi hwenyika. Anofanira kuti aende mujeri.”

Zvichakadai, mamwe makambani akabhadharwa mari yedzimotokari akatadza kuendesa motokari idzi kuhurumende atadza kumira pamberi pekomiti Public Accounts kuti sei ari kutadza kuendesa mota kuhurumende asi iwo akabhadhara.

Paramende yave kutumira masamanisi ekuti vauye vasingadi vachida uye akatadza anosungwa. Makambani aya anosanganisira Faramatsi. AMTEC. MIKE Harris neCMED.

ZACC inoti zvikamu makumi mashanu nezviri zvehuwori (52) hwese hunoitika munyika hunoitika mupazi ehurumende, makambani ayo pamwe nemakanzuru.

Zimbabwe inorasilkirwa nemabhiriyoni maviri emadhora ekuAmerica nekuda kwehuwori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG