Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano hweGanda Dzoyambira Vari Kushandisa Mafuta eKutsvukisa Makanda


Chitoro chinotengesa mafuta ekutsvukisa makanda.
Chitoro chinotengesa mafuta ekutsvukisa makanda.

Dzimwe nyanzvi mune zvehutano nemishonga dziri kukurudzida veruzhinji kuti vasashandise mishonga nemafuta zvekuchinja ruvara rwemakanda kana kukudza miviri vanhu dzichiti izvi zvine njodzi mune remangwana.

Nyanzvi idzi dzinoti vakawanda vevari kushandisa zvinhu izvi vanogona kunge vasina ruzivo nezvenjodzi iyi.

Kubva kare vamwe vanhu muZimbabwe, zvikuru vechidzimai, vaishandisa mafuta, mapiritsi kana mishonga yekuti vachinje ruvara vachitsvukisa makanda zvikuru ekumeso, sezvo zviaonekwa sechinhu chainowedzera runako.

Kareko kwaive nemafuta ainyanyoshandiswa kutsvukisa ganda ainzi Ambi asi anonzi akazorambidzwa kumakore ekuma 1970 mushure mekuonekwa kuti akanga asina kunakira hutano.

Asi izvi hazvina kumisa vanhu kushandisa zvinoshandura ruvara sezvo zvichiri kuitwa nanhasi, apo mishonga nemafuta zvinotsvukisa makanda zvazara muzvitoro nemumigwagwa yemunyika zvizhinji zvacho zvichinzi zvinopinzwa munyika zviri kunze kwemutemo.

Pamusoro pezvo, zvinonziwo kwave nemafuta, mishonga nemapiritisi zvekutsvukisa makanda zvakasiyanasiyana, mimwe ichinzi inoita zvekubayiwa majekiseni.

Mimwe yemishonga yave kushandiswa mazuvano inonzi ndeye kuwedzera kukura kwemitezo yemiviri yakaita semagaro, mazamu nemiromo, kwese uku kuri kutsvaga kuwedzera runako nekuti munhu awane vanomuda.

Mumwe mudzimai achizora mafuta ekutsvukisa muviri.
Mumwe mudzimai achizora mafuta ekutsvukisa muviri.

Asi vari kushandisa ava vanoziva here kuti zvine njodzi kuhutano hwavo?

Mumwe mushandi wemune chimwe chitoro chinotengesa mishonga yebvudzi pamwe nekugadzira misoro chiri muHarare anoti anoshandisa mafuta ekutsvukisa muviri aya.

Mushandi uyu, uyo asina kuda kudomwa nezita rake, anoti akambonzwa kuti zvine njodzi inosanganisira kuti kana munhu anoshandisa mafuta nemishonga izvi akaita tsaona inokuvadza gandare kumeso chiso chake chinogona kunetsa kusona kana kunonoka kupora kwemaronda.

Asi anoti akazonzwa nezvematambudziko aya iye atotanga kare kushandisa mishonga iyi, uye zvakanga zvisisaita kuti achirega kushandisa sezvo ruvara rwake rwekumeso rwakanga rwatotanga kare kushanduka. Mushandi uyu anoti ave nemakore ane chitsama achishandisa mushonga wekuchinja ruvara.

Achibvubvunzwa neStudio 7 kuti sei achida kutsvuka, musikana uyu anoti chinangwa chake ndechekuwedzera runako pamwe nekuti vamwe vazomuchivavo ovatengesera mishonga iyi kuti awane mari.

Akati “Tinokwezva vanhu mumugwagwa zvekuti vanopedzesira vobvunza kuti tinoshandisei totovataurira. Saka unotopedzisira waona kuti ko kana ukamahodha ndikatengesa totowana mari.”

A beautician displays capsules and cream used for skin lightening at a beauty shop, in Nairobi, Kenya, on July 6, 2018.
A beautician displays capsules and cream used for skin lightening at a beauty shop, in Nairobi, Kenya, on July 6, 2018.

Imwe nyanzvi yezvehutano vari chiremba, Dr. Mwatsveruka Munhutu, vanove nyanzvi mukurapa makanda, nzara pamwe nebvudzi, vanoti kushandisa zvekuchinjisa makanda kune njodzi vachiti kuchinja ruvara rwemunhu kunokonzerawo kuti ganda rive dete nekukanganisa hutano hwaro.

Dr. Munhutu vati, “Nekuti vamwe vanhu vanoita zvekumwa zvinopedzisira zvakanganisa itsvo nechiropa . Zvinogona futi kuti uite bofu rekuona ruvara rwezvinhu.

Zvekuzora muganda zvinogona kupedzisira zvapinda mumuviri zvichibva muganda zvokonzerawo matambudziko awa. Zvinoitawo kuti ganda rite nhete uye kubvisa melanin iyo inodzivirira ganda kubva kuzuva.”

Imwe nyanzvi mune zvehutano, (Public Health Specialist), Amai Mucha Mukamuri, vanoti zvakakosha kuti munhu achengetedze ruvara rwake kana dai ari mutema zvakadii nekuti hutema ihwohwo hune Runako hwakadaro.

Amai Mukamuri vanoti vazhinji vari kushandisa mishonga yekutsvukisa makanda vari kuzviisa parumana nzombe mune remangwana.

Amai Mukamuri vati, “Njodzi dzimwe ndedzekuti ganda rinogona kupedzisira rave dete-dete zvekuti rinokurumidza kukuvara kana kusazosoneka kana kuzoguma waita chirwere chegomarara zvinozounza matambudziko.”

Vanotiwo vamwe vari kubaiwa majekisini nekunwa mishonga yekukudza nhengo dzemuviri izvo zvavati zvine njodzi huru sezvo vamwe vachizopedzisira vave nenhengo dzakakura zvakasiyana.

Amai Mukamuri vakurudzira kuti avo vanoda kushandura mamiriro emitezo kana nhengo dzemiviri yavo vaite izvi kuburikidza nekuita zvinosimbisa miviro kana kuti exercising, kwete kushandisa mapiritsi kana majekiseni.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG