Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshorwa neKutaura zveMhirizhonga yekuAmerica Asi Vasingataure nezveKuda Kupfurwa kwaVaChamisa neKupondwa kweVamwe muNyika


Mnangagwa & Chamisa
Mnangagwa & Chamisa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vanyora tsamba kumutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vachishora kuda kuuraywia kwevaimbova mutungamii wenyika iyi VaDonald Trump nemusi wesvondo.

Asi vamwe vanopikisa vakaita semutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party vari nhengo yeNational Democratic Working Group Doctor Wurayi Zembe vaudza Studio 7 kuti vari kushamisika nemashoko aVaMnangagwa.

Vati VaMnangagwa vari kutaura zviri kuitika kuAmerica asi mapurisa eZRP asiri kuferefeta nyaya dzekuda kupfurwa kwemumwe wavaikwikwidzana naye musarudzo gore rapera VaNelson Chamisa kwaMutare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaTrump avo vari kukwikwidzana zvakare naVaBiden musarudzo yemutungamiri wenyika vakapfurwa panzeve ku Pennsylvania nemusi weSvondo vachitsvaga rutsigiro.

Munhu akayedza kuvauraya akabva aurayiwa nematikitivha eFBI VaMnangagwa vashora kuurayiwa kwemumwe munhu pachiitiko ichi vakati vanoshuvira kuti VaTrump nevamwe vaviri vakakuvara vapore nekukurumidza.

Mapurisa avewo nemakore maviri achiti ari kuferefeta nhengo yeZanu-PF VaAbton Mashayanyika avo vakabuda pavhidhiyo vachiti VaChamisa nemhuri yavo vanofanira kuurayiwa.

Vamwe vanopikisa vakaurayirwa hama dzavo nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF, vasori nemauto vanoti havana kutumirwa mashoko enyaradzo naVaMnangagwa.

Munguva yesarudzo vamnangagwa vaiti havo vanoda runyararo asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi.

Forum

XS
SM
MD
LG