Accessibility links

Breaking News

VaChimombe naVaMpofu Vonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


VaMike Chimombe, VaMoses Mpofu nevamwe vasungwa
VaMike Chimombe, VaMoses Mpofu nevamwe vasungwa

Dare ramajisitiriti nhasi ranyima mukana wekubvisa mari yechibatiso nhengo dzeZanu PF VaMike Chimombe naVaMoses Mpofu kuti vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomerwa yekuita huori pamari inosvika mamiriyoni manomwe kana kuti US$7 million kubva kuhomwe yemutungamiri wenyika yekutengera varombo mbudzi kana kuti Presidential Goat Scheme.

Mutongi wedare Amai Marehwanazvo Gofa, vanyima vaviri ava mukana wekuti vatongwe vachibva kumba nekuda kwezvikonzera zvine chitsama zvinosanganisira kuti vanogona kutiza munyika nyaya yavo isati yatongwa.

Rimwe remagweta avo, VaAshley Mugiya vanoti dare ratiwo “Zvikonzero zvapihwa nedare ndezvekuti varume ava vakatarisana nemhosva huru uye vanogona kutiza munyika.”

Mutongi atiwo vaviri ave vainge vasiri munyika apo vaitsvagwa neveZimbabwe Anti-Corruption Commission uye vakamboita musangano nevatori venhau zvekuti kana vakaburitswa muhusungwa vanogona kuita misangano yakadai nekukonzera kusagadzikana munyika.

Asi VaMugiya vati, “Tinozvikudza zvaitwa nedare nekuti idare asi hatibvumirane nazvo kuti tingati varume ava vakabhadhara mari yechibatiso vanotiza saka naizvozvo tichangokwikwidzawo tichienda kune mamwe matare makuru kudarika dare rino.”

Vaviri ava vachadzoka zvakare kudare iri musi wa7 Nyamavhuvhu apo nyaya yavo ichatanga kutongwa.

VaChimombe naVaMpofu vakasungwa mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekutenga mbudzi shoma ndokutyorera nuhomwe mari yakawanda yavakapihwa nehurumende.

Vaviri ava vanonzi nevachuchusi vakati vainge vaine mbudzi zviuri makumi matatu nezviviri nemazana mashau (32 500) asi ivo vainge vaine zviuru zvitatu nemazana manomwe negumi nenhatu chete, 3 713.

Mune imwewo nyaya dare repamusoro reHigh Court razivisa kuti richatura mutongo waro musi weChina svondo rino usati wadarika pachikumbiro chaVaJameson Timba nevamwe vavo makumi manomwe nevatanhatu vebato reCCC chekuti vatongwe vachibva kumba mushure mekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare ramajisitiriti.

Dare ramajirisitiriti rakavanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso richiti kana vakaburitswa vaizokonzeresa kusagadzikana munyika.

Mutongi Justice Munamato Mutevedzi mushure mekunzwa kubva aVaTimba nevamwe vavo nevachuchusi vwhurumende vari kupikisa chikumbiro chekuti vatongwe vachibva kumba vati vanoda nguva. Rimwe remagweta avo,VaAgency Gumbo vati, “Dare razopa muono wekuti rinoda rimwe zuva kuti rigadzire mutongo waro saka tinotarisira kuti musi weChina pachange pave nemhinduro kuchikumbiro chatange taisa kudare.”

Vaenderera mberi vachiti vanotarisira kuti VaTimba nevamwe vavo vachapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaTimba vakasungwa kumba kwavo nevamwe vavo kuAvondale musi wa16 Chikumi apo vaipemberera zuva remwana wemuAfrica, kana kuti International Day of the African Child, vakapomerwa mhosva yekuita musangano zvisina mvumo pamwe nekuda kukonzera kusagadzikana munyika. Asi vari kuramba mhosva iyi.

Mumwe imwewo nyaya kumatare, vatongi vedare repamusoro, Justice Benjamin Chikowore naJustice Pisirayi Kwenda vazivisa kuti nyaya yaVaJob Sikala iyo vari kupikisa mutongo wapakapihwa nedare rapasi wekunyora manyepo nekukonzeresa mhirizhonga zvichitevera kupondwa kweimwe nhengo yeCCC Moreblessing Ali kuChitungwiza muna 2022 ichatanga kunzwikwa nemusi weMuvhuro.

VaSikhala vakabatwa nemhosva vakatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri kana kuti vabhadhare faindi yemadhora mazana mashanu ekuAmerica. Vakabhadhara faindi asi vari kupikisa mutongo uyu pamwe nechirango chavakapihwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG