Accessibility links

Breaking News

UN Inoti Zimbabwe Iri Kukundikana Kuwana Chouviri Kubva paChibvumirano cheKutengeserana Nyore neNyika dzemuAfrica


Mining for gold in Zimbabwe.
Mining for gold in Zimbabwe.

Vechidiki vane mabhizimusi achiri kukura vanoti vari kushaiswa mikana yekutengesera zvavanogadzira kune dzimwe nyika dzemuAfrica, zvisinei nekuti vanodawo kushandisa mikana yakutengeserana kuri nyore kwemabhizimusi yakavhurwa newirirano yeAfrican Continental Free Trade Area kana kuti AfCFTA. United Nations Development Programme kana kuti UNDP inoti pachine zvakawanda zvinoda kuitwa kuti Zimbabwe ikwanise kutora mukana uhu kusimudzira vechidiki.

Mugore ra2019, nyika dzese dzemuAfrica, kunze kweEritrea, dzakawirirana kutengeserana zviwanikwa zvadzo zviri nyore, pasina mitero yakawandisa; chibvumirano chinozivikanwa nekunzi African Continental Free Trade Area kana kuti AfCFTA.

Asi ongororo yakaitwa neUnited Nations Development Programme munyika inoti kunyangwe madzimai nevechidiki vakakosha munyaya dzezvehupfumi munyika, vanosangana nematambudziko makukutu mukutengesera kunze kwenyika. UNDP inoti pamabhizimisi madiki neari pakati nepakati emunyika anotungamirwa nemadzimai nevechidiki, chikamu chimwe chete kubva muzana kana kuti 1% chete ndivo vanokwanisa kutengesa zvigadzirwa zvavo muAfrica. Izvi

Mike Murozvi ane bhizimusi rekugadzira shangu muHarare, ndemumwe wevanoti haisi nyore kutengesera kunze kwenyika. Ati, “Chinonetsa ndechekuti hazvisi pachena kuti vanoda kutengesera zvinhu zvavo kunze kwenyika vanofanira kuita sei."

Vaenderera mberi vachiti, "Dzimwe nguva tinenge tinazvo zvinokwikwidza kunze uko, asi nekuti hatina ruzivo rwakadzama, tinodarikwa nemikana. Zvakanaka kuti pave nedzidziso yakadzama pamusoro pekutengesera kunze kwenyika.”

Mumwe wechidiki ane bhizimusi rekubika zvekudya zvemuZimbabwe, Mazvita Makonese, anoti ane chishuwo chekushambadzawo kudya kwemuno kune dzimwe nyika kubudikidza nekuchitengesa kuAfrica yese, asi mitemo yemuno ndiyo inomutadzisa. Muzvare Makonese vati, “Ndakaudzwa mitemo yakawanda pandakasvitsa nyaya yangu kuchikamu chinoona nezvekutengeserana nedzimwe nyika, cheZIMTRADE."

Vatiwo, "Kutaura chokwadi, handioni vane mabhizimusi akaita seedu achikwanisa kupinda kune dzimwe nyika nekuti zvinodiwa zvacho zvakawandisa. Dai pane zvinogona kuitwa kuti zvitorerukire kuyambutsa mabhizimusi edu kune dzimwe nyika.”

Asi mukuru webazi rehurumende rinoona nezvekutengeserana nedzimwe nyika, reZimTrade, VaAllan Majuru, vanoti zvizhinji zvavari kuita kuedza kubatsira mabhizimusi emuno anoda kutengesera zviwanikwa zvawo kunze kwenyika. VaMujuru vati, “Isu tiripo kudzidzisa makambani emuno kuti vave neruzivo rwekuti vanozvifambisa sei kana vave kuda kutengesera zvinhu zvavo kunze kwenyika." Vatizve. " Tinovabatsira kubva pekutanga kusvika pekupedzisira. Hofisi yedu yakavhurika kubatsira ani nani anoti anoda kutengesera kunyika ipi zvayo, kunyange dzisiri kuAfrica.”

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa mukanzuru yehurumende inoona nezvenyaya dzevechidiki, yeZimbabwe Youth Council, VaSungano Chisina, vanoti kune vese vechidiki vanoda kubatsirwa kuti mabhizimusi avo ayambuke miganhu yenyika, vakasunguka kutaura navo kuti vavabatsire. VaChisina, vatiwo, “Isu tinobatsira vechidiki kuti vakwanise kuvamba mabhizimusi avo, pamwechete nekuti azivikanwe zviri pamutemo."

Vatizve, " Naizvozvo, tinokwanisa kuvabatsirawo kuti akwanise kuenda kune dzimwe nyika. Vechidiki ngavauye kuno tivabatsire nenzira dzavanofanira kufamba nadzo kuitira kuti zvavo zviite.”

Mutungamiri wesangano rinobatsira vechidiki vari mumabhizimusi, reJunior Chambers International Zimbabwe, Muzvare Nomalanga Chipare, anoti kushaikwa kwezivo ndiko kwatadzisa mabhizimusi evechidiki kuti apinde mune dzimwe nyika. Muzvare Chipare vati, “Vakawanda vechidiki vanogona kunge vasingatozvizivi kuti zvinofamba sei kuti vashandise mukana weAfCFTA," Vatiwo, "Naizvozvo vanodawo kuwaniswa ruzivo urwu. Asi kunyange vakapiwa ruzivo, vanodawo kubatsirwa nemari dzingadai dzichidiwa kuti zvishuwo zvavo zvizadzikiswe. Isu sesangano revechidiki tinozvipirawo mukubatsira vechidiki kuti zvavo zviite.”

Nyanzvi inoongorora nyaya dzezvehupfumi hwenyika, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, Doctor. Prosper Chitambara, vanoti , “Tinofanira kushandisa mukana wekutengeserana zviri nyore seAfrica, asi ngatizivei kuti izvi hazvisi nyore."

Vatiwo, " Tinofanira kukwanisa kugadzira zvinhu zvakanaka uye zvinotengeseka kunze uko nemitengo iri nani. Mitemo yedu yemuno inofanirawo kukwanisisa mabhizimusi edu kuti asatambure kutegesera kunze kwenyika. Asi ngatishandisei African Continental Free Trade Area iyi senyika.”

Ko chiii chiri kupa kuti Zimbabwe isaririre shure segotsi? UNDP inoti zvinokonzerwa nekushaya ruzivo panyaya dzekutengesa zvinhu, kushaya mari yekuzvishambadza uye kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

United Nations iri kukurudzira kuti madzimai nenechidiki vasimudzirwe kuti vakwanise kuwana chouviri pachibvumirano cheAfCFTA ichi ichitiwo pane mukana wakakura wekuti Zimbabwe ikohwe pakuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG