Accessibility links

Breaking News

Sangano rekuBritain reBII Rinopa Chikwereti cheUS$10 Million kuNMB Bank Zimbabwe Chakanangana neKubatsira Varimi Vanotengesera Kunze


Mari yakabva kuBII iyi inonzi ichabatsira varimi vanotengesera kunze kwenyika.
Mari yakabva kuBII iyi inonzi ichabatsira varimi vanotengesera kunze kwenyika.

Sangano rekuBritain rinokweretesa mari kumabhanga nemakambani munyika dzichiri kusimukira, re British International Investment, neMuvhuro rakapa chikwereti chemari inosvika mamiriyoni gumi emadhora ekuAmerica kubhanga remunyika reNMB Bank Zimbabwe, iyo yakanangana nevarimi vezvirimwa zvinotengeswakunze pamwe nevanorima vachishandisa nzira dzisingakanganisi mamiriro ekunze.

Ichi chinonzi ndicho chikwereti chekutanga muZimbabwe kubva kusangano reBritish International Investment iri.

Zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemari iyi zvinonzi zvichabatsira varimi vanotengesera kunze, kuchiti zvikamu makumi matatu kubva muzana zvichienda kuvarimi vanoshandisa nzira dzisingakanganisi mamiriro ekunze.

Vanoongorora zvehupfumi, vari mutewedzeri wasachigaro webhodi resangano re Governors for UTC ku Salford ku Britain, Muzvare Chenayimoyo Mutambasere, vanoti mamiriyoni gumi emadhora imari yakawanda chaizvo yekuti varimi vanogona kubatsirikana panguva ino apo nyika iri kubuda mudambuidziko re El-Nino.

Asio Muzvare Mutamba sere vanoti nerimwe divi vanotya zvikuru kuti mari iyi ichamedzwa nehuwori hwatekeshera munyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira kambani yeUnderhill Corporate Solution, Doctor Eddie Mahembe, avo vari ku Cape Town ku South Africa, vanoti kubatana kwesangano rekuBritain nebhanga remunyika reNMB chirongwa chakakoshesesa panyaya mbiri.

"Chokutanga ndochokuti agriculture kana kuti nyaya dzokurima zvakakosha pa economy yeZimbabwe nokuti ndokunobva ma raw material akawandisa even panyaya ye manufacturing uyezve pa food security. Number two zvinobatsirazve nekuti kana tichitarisa agriculture tinoona kuti vanhu vazhinji vanoshanda muZimbabwe vanoshanda ku agriculture ikoko," vanodaro Doctor Mahembe.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira varimi munyika re Zimbabwe Integrated Commercial Farmers’ Union, Amai Maiwepi Jiti, vanoti chirongwa ichi chakanaka nekuti chinowanisa nekuunza mari yekunze kuvarimi pamwe nehurumende zvichiwedzera hupfumi hwenyika nechikafu.

Asi Amai Jiti vanoti, "Varimi vanoremerwa kuti vakwerete kumabhanga nekuda kwenguva pfupi yavanonzi vadzosere zvikwereti pamwe nemari dzinoberekwa nezvikwereti izvi dzavanoti dziri pamusoro zvakanyanya."

Richinyora padandemutande re “X” iro raimbonzi Twitter, sangano iri rati mumiriri weBritain muZimbabwe, VaPeter Vowles, vakati vanofara zvikuru kuona kuti rubatsiro urwu rwuchaenda kure mukusimudzira nyaya dzekurima nehupfumi muZimbabwe.

Hatina kuwanisa kubata veNMB Bank Zimbabwe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi, asi mukuru webhanga iri, VaGerald Gore, vanonzi neBritish International Investment vakati kubatana kwavaita nesangano iri chinhu chakakosha zvikuru munyaya dzekurima muZimbabwe.

Hurongwa hweBritish International Investment uhu hunonzi hwakanangana nekutsigira zvirongwa zve United Nations zve Sustainable Development Goals, zvinoti SDG 2 iyo yakanangana nekuparadza nzara, SDG 8 yakanangana nekumutsa mabasa nekusimudzira hupfumi, SDG 9 yakanangana nemaindasitiri, pamwe ne SDG 13 yakanangana nekushanduka kwemamiriro ekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG