Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weAmerica Mutsva Anoti Akagadzirira Kushanda neZvizvarwa zveZimbabwe muNyaya dzeBudiriro neKusimudzira Hutongo Hwejekerere


Amai Pamela Marie Tremont nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Amai Pamela Marie Tremont nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mumiriri mutsva weAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Marie Tremont vavimbisa kuti nyika yavo ichaenderera mberi ichibatsira ruzhinji rweZimbabwe kuti rwurarame hupenyu hwakanaka, kubudikidza nekuwanisa zvikwanisiro zvinoita kuti hupfumi hweZimbabwe husimukire. Asi hurumende yeZimbabwe inoti kubudirira kwenyika kuri mumaoko ezvizvarwa zveZimbabwe, kwete murubatsiro runobva kunze kwenyika.


Vachitaura nevatori venhau nhasi pamuzinda weState House muHarare, mushure mekutambidza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mapepa avo ekushanda zviri pamutemo semumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Tremont vati nyika yavo yashandisa mabhiriyoni anodarika mashanu emari yekuAmerica, mukubatsira Zimbabwe nenzira dzakasiyana-siyana; uye rubatsiro urwu rwucharamba rwuchienderera mberi. Amai Tremont vati, "Isu seAmerica takazvipira kushanda nevana veZimbabwe kuti vave nehutongi hwejekerere uye kuti vazvipundutse, ndizvo ticharamba tichibatsira hurumende munyaya dzakasiyana-siyana dzinosanganisira dzehupfumi nezvimwe."

Amai Tremont vatiwo America inoshora zvikuru, kupfurwa kwakaitwa vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, Mugovera wadarika apo, vaive pamusangano wekutsvaga mavhoti esarudzo dzichaitwa mumwedzi waMbudzi wegore rino kuAmerica. Vatiwo, "Tinoshora zvikuru zvakaitika kunaVaTrump. mhirizhonga haina kunakira nyika yedu, kana nyika ipi zvayo pasi rese."

Amai Tremont vazivisawo kut nyika yavo ichatura mashoko mumazuva mashoma ari kutevera, erubatsirwo rwaichapa mamiriyoni evanhu vakatarisana nenzara muZimbabwe.

Kunyange America yavimbisa kubatsira Zimbabwe nenzira dzakasiyana-siyana, kunyanya mune zvehupfumi nehutongi hwejekerere, munyori mubazi rezvekubuditswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati kuti Zimbabwe ibudirire, zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zvinonyanya kukwanisisa izvi. VaMangwana vati, "Nyika ino inoshandirwa nevana vemuno kuti ibudirire.

Vatizve, “Vamwe hongu vangauya kuzotibatsira pabasa ratinenge tichiita, asi vanoita izvi vachitevedzera gwara ratinenge tatora isu. Tinofara negwara ratiri kufamba naro sehurumende reVision 2030 iro rinoti nyika ino inotongwa, kutungamirwa nekunamatirwa nevana vemuno."

Mukuru wezvekufambiswa kwebasa musangano rinoongorora zvematongerwo enyika reProject 263, VaTafadzwa Mavunga, vanoti vane chivimbo chekuti Amai Tremont vachasimbaradza kudyidzana kweZimbabwe neAmerica.

"Amai Tremont vane hunyanzvi hwatinogona kushandisa senyika sezvo vakamboita mumiriri weAmerica kunyika dzakafanana neUkraine neTurkey.” VaMavunga vaudza Studio 7.

Vatizve, “ Ndinoona sekuti tinogona kushandisawo hunyanzvi hwavo kuti kudyidzana kwedu nenyika hombe yakaita seAmerica, kudzike midzi."

Zimbabwe neAmerica dzinogara dzichinetsana nenyaya yezvirango zvakatemerwa vatungamiri veZanu PF, vachipomerwa mhosva dzinosanganisira kumbunyikidza kodzero dzevanhu, uye huori. Asi hurumende yeZimbabwe inoti vamwe vavo vekuAmerica vakabaiwa panyama nhete nekuda kwechirongwa chekugova minda chakaitwa mugore ra2000.


Vanoongorora kudyidzana kwenyika dzepasi rese, uye vachishanda nesangano reZimbabwe Institute of Diplomacy, VaVova Chikanda, vanoti havaoni America ichisuduruka panyaya yezvirango zvehupfumi, nekuda kwekuuya kwaAmai Tremont.

VaChikanda vati, "Kunyange zvichiyemurika kuti nyika mbiri idzi dzine vamiriri vadzo pahuviri hwadzo, Zimbabwe ine zvirango zvehupfumi zvakakonzereswa nehondo yeminda.” Vaenderera mberi vchiti, “Handisi kuona zvichibviswa munguva ipi inotevera. Asi chero zvikasabviswa, dzicharamba dzichidyidzana nekuti sedzimwewo nyika dzemuAfrica dzakatemerwa zvirango, Zimbabwe icharamba ichitsungirira."

Gweta, uye vari nyanzvi inowongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvare Jacqueline Sande, vanoti hurumende yeZimbabwe inofanira kuedza nepese painogona napo kudyidzana nenyika dzakaita seAmerica.

Muzvare Sande vati, "Zimbabwe haifaniri kupindira munyaya dzekurwisana kweAmerica nenyika dzakaita seRussia neChina. Hurumende yedu inofanira kudyidzana nenyika dzese dzepasi rese pasina rusarura.

Vatiwo, “ Kana takatotarisa nyika yakaita seAmerica ine hupfumi hwakasimba kudaro, tinofanira kutotsvaga nzira dzekuti tingatanga kutengeserana nayo sei, kuti tivandudzewo hupfumi hwedu. Asi izvi hazvirevi kubva taita chekaukama naivo ana Russia naanaChina."

Hukama hwe Zimbabwe ne America hwakatanga kuenda kumawere apo Zimbabwe yakatanga kutyora kodzero dzevanhu zvemhando yepamusoro muna 2000.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG