Accessibility links

Breaking News

Muimbi Delstar Anoti Kuremara Hakusi Kumutadzisa Kuratidza Chipo Chake


Delstar
Delstar

Mumwe muimbi wechidiki akaremara, Deltrish Naledi Muzviba, uyo aita mukurumbira mudunhu reMasvingo nenziyo dzake dzechizvino zvino ari kukurudzira vamwe vechidiki kuti vasagarire zvipo zvavo nekuda kwekuremara. Anoti kushandisa zvipo zvavo kunopa kuti vasararame zvekupemha.

Deltrish anozivikanwa nerekuti Delstar ane makore gumi nemasere ekuberekwa akadzidza paChristian High School mudhorobha reMasvingo anoti anoshandisa zita rekuti Delstar mukuimba nziyo dzeAfro Hip Hop ne RnB.

Akabura dambarefu rake rinonzi Stolen Soul iro raita mukurumbira panhepfenyuro dzeHevoi FM ne Great Zimbabwe Campus Radio. Kambo kake kanonzi “Wandikanganwa” kari kudiwa nevechidiki.

Delstar anotiwo mavidhiyo maviri enziyo dzake ari pamadandemutande akaita seYou Tube uye anoti anotarisira kuti achabudawo panhepfenyuro yeZTV.

Muimbi uyu anoti akatanga zvekuimba achiri mudiki. Atiwo, “Ini hangu shuviro yangu ndeyekuti ndiite mukurumbira zvekuzivikanwa kusvika kukuAmerica.”

Delstar anoti kunze kwekuimba anoita zvekugadzira vanhu nzwara nemisoro nekuwedzeredzawo rwunako rwavo.

Mumwe murairidzi weKukwe anorwira kodzero dzevakaremara asingaone, Amai Judith Mukodzani, vanoti vakaremara vane zvipo zvakawanda zvavanofanira kushandisa.

“Tinonzwa kufara zvikuru nezvirikuita Delstar, tinofara nziyo dzke dzi trende paYou Tube paHevoi FM chidzidzo kune vamwe vakaremarara kuti vashandise zvipo zvavo,” Vakadaro Amai Mukodzani.

Mumwewo anorwira kodzero dzevakaremara, VaHenry Chivhanga vanova mabharani uye vakaremara gumbo vanoti vakaremara vakashandisa zvipo zvavo havazombunyikidzirwe kodzero dzavo.

“Tinokurudzira vabereki necommunity ipai vana vane hurema mukana vaende kuzvikoro vagone kuti kana vane zvipo zvatinenge taoona tovastigira kuita zvipo izvozvo” Vadaro va Chivhanga.

Mukuru webandiko rinoona nezvevakaremara mubazi rezvemagariro evanhu Doctor Christine Peta vanoti hurumende ine mutemo unobatsira vakaremara kuti vabudirire mune zvavanoita kunyanya vechidiki.

“Saka policy yedu iyi inotoita kuti tive negwara ratinotevera pane zvedzidzo pane zvakasiyana siya zvingave zvekushandisa,” Doctor Peta vadaro.

Vamwe vakaremara vakaita mukurumbira nekuimba avo vari kuteverwa tsoka naDelstar vanoti, Paul Matavire, Fanyana Dube, Chamunorwa Nebeta vose vaisaona uye vave vashakabvu.

Kunze kwaDelstar kune vamwe vaimbi vechidiki vakaremara vari kushura mare vakaita saGreatman Gwaze naChipo Muchengwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG