Accessibility links

Breaking News

Vamwe muZanu PF Voramba Vachikurudzira VaMnangagwa Kuti Varambe Vachitonga Kunyange Ivo Vakati Vachasiya Basa


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa nguva pfupi yadarika kuti vachasiya basa kana temu yavo yapera.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa nguva pfupi yadarika kuti vachasiya basa kana temu yavo yapera.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika vari zvakare mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa nyika kuti vachaenda kunozorora panopera temu yavo yekutungamira bato nenyika muna 2028, kurudziro yekuti varambe vari panyanga kusvika mugore ra2030 mubato ravo reZanu PF iri kutovedzera ruzha.

Vari kutsigira kurudziro iyi vari kuti VaMnangagwa vanofanirwa kusiya vapedzisa zvirongwa zvebudiriro zvavakatanga, uye vari kuti vari kugona kutonga nekudaro vanofanirwa kuenderera mberi.

Svondo rapera dunhu reMasvingo, iro rakatanga kurudziro iyi, rakabuda zvakare richitowedzera ruzha hwaro.

Vechidiki mudunhu reMurehwa kuMashonaland East vakapinzawo izwi ravo mukwaya iyi vachiti vachatoendesa chikumiro chavo kumahofisi edunhu reMashonaland East kuMarondera kuti isusukidze izwi ravo kuenda mberi.

Ukuwo, vamwe musangano revakarwa hondo pamwe negurukota redunhu reMatabeleland North vari zvakare sachigaro veZanu-PF mudunhu iri, VaRichard Moyo, ndevamwe vari kuwedzera kurudziro yekuti VaMnangagwa vatonge kusvika madhongi amera nyanga.

Asi vari kushoropodza danho iri vanoti riri kunze kwemutemo uye harina kusiyana nezvaimboonekwa muZanu PF munguva yehutongi hwevaive mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe, avo vainzi nedzimwe nhengo muZanu PF dzichitungamirwa nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vachatonga kunyange vari muwiricheya.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kurudziro iyi yakanangana nekuda kuviga huwori pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu zviri kuitwa pasi pehurumende yaVaMnangagwa.

Asi mushandi mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vakabuda svondo rino vachiedza kujekesa kuti VaMnangagwa nebato reZanu PF vanotevera mutemo, nekudaro mutungamiri wenyika vachasiya chigaro kana nguva yavo yakwana.

VaMarapira vakati avo vari kukurudzira kuti VaMnangagwa vatonge kusvika madhongi amera nyanga vanhu vari kungozadzisa zvavo kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo dzekutaura vakasununguka.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza, vanotsinhirawo vachiti bumbiro remitemo harirambidze vana veZimbabwe, kusanganisira nhengo dzebato reZanu PF, kutaura zvavanoda, ndosaka vamwe mubato iri vari kuti VaMnangagwa varambe vachitonga.

VaMandaza vanoti zvikonzero zviri kuita kuti VaMnangagwa vanzi varambe vachitonga zviri pachena kune vanhu vose kuti vaone, asi vachiti chikuru pane zvose ibumbiro remitemo pamwe neshoko raVaMnangagwa mbune, vachiti kuti bumbiro rishandurwe panotofanirwa kutanga paitwa referendum.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTawanda Dzvokora, vanoti mashoko aVaMandaza aya pamwe nezvakataurwa naivo VaMnangagwa kuda kungobata vana veZimbabwe kumeso kuti vafunge kuti vari kuenda, asi chokwadi chiri chekuti vachangogara vachiti ndakakumbirwa nevana veZimbabwe kuti ndirambe ndichitonga.

VaDzvokora vanoti ivo nevana veZimbabwe vachazviramba zvekuti bumbiro remitemo rityorwe pamadiro nevanhu veZanu PF, vachiti mutemo wenyika unofanirwa kutevedzerwa uyewo ivo VaMnangagwa vanofanirwa kuita semunhu mukuru kuti vataura chinhu vomira nacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG