Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weAmerica Anoti Pasina Hutongo Hwejekerere Zimbabwe Haibudirire Asi Hurumende Inoti Haiudzwe Zvekuita


Ambassador Pamela Marie Tremont
Ambassador Pamela Marie Tremont

Mumiriri mutsva wenyika yeAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Tremont vanoti kusatevedzwa kwebumbiro remitemo remuZimbabwe, kutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwechete nehuori hunotyisa, ndizvo zviri kukonzeresa kuti Zimbabwe isarire kumashure munyaya dzezvehupfumi.

Asi mashoko aya anorambwa nehurumende yeZimbabwe, iyo inoti haipo kudzidziswa kuti nyika inotongwa sei nevanobva kunze.

Vachitaura nevatori venhau nhasi muHarare, kanova kekutanga mushure mekutambidza mukuru wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mapepa avo ekushanda zviri pamutemo semumiriri wenyika yeAmerica muZimbabwe nezuro, Amai Tremont vati kune mabhizimusi mazhinji ekunyika yavo anoda kuzodyara mari muno, asi anodududza nekuda kwekusatevedzwa kwebumbiro remitemo uyewo huori hwakapfunya chisero.

Vati, “Kubudirira kwehupfumi hwenyika zvinozoita kuti vanhu vagare zvakanaka, hakungaitiki kana nyika isingaiti zvehutongi kwejekerere.” Vatiwo, “Nyaya yekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu, huori uye mitemo ine chekuita nekutanga mabhizimusi muno, inoda kugadziriswa.”

Vaenderera mberi vachiti America yakazvipira kubatsira hurumende yeZimbabwe kuti ifambe negwara regutsaruzhinji, kwete rehumbimbindoga. Amai Tremont vati, “America inotsigira kuzvitonga kuzere kweZimbabwe, asiwo inotsigira kuti bumbiro remitemo richengetedzwe.” Vatizve, “Senyika, hatipo kutongesa hurumende, asi kubatsira kuti mitemo yese yenyika itevedzwe.”

Asi munyori mubazi rezvekubuditswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vatsika madziro, vachiti Zimbabwe inyika yakazvimirira isingadi vanobva kunze kuiudzira mafambisirwo ezvehutongi. VaMangwana vati, “Avo vanoti vanoda kuzotibatsira munyaya dzekutonga kwegutsaruzhinji, vanenge vachitsveyama.” Vatizve, “Ko patairwa hondo yerusununguko, vaivepi, apo tairwira kodzero chaidzo dzegutsaruzhinji? Munyika yedu yeZimbabwe, hatina rimwe sangano rinesimba rekutiudza zvekuita. Kwedu kutonga kunonzi kuzvitonga kuzere.”

Panyaya yemitemo inodzinga vemabhizimusi muno, VaMangwana vati manyepo kuti mitemo yemuno inodzvanyirira vemabhizimusi. VaMangwana vati, “Hatina kana patakambotorera vanhu mabhizimusi avo, manyepo anenge achitaurwa iwayo.” Vaenderera mberi vachiti, “Isu tisu takatorerwa zviwanikwa zvedu, ndizvo takazoita hondo yeminda. Saka vekuAmerica vanoda kuita mabhizimusi muno, ngavauye havo, vakasununguka.”

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoshanda neDurban University of Technology vanoti Ambassador Tremont vabaya dede nemukanwa. Vati nyika dzine hutongo hwejekerere dzakaita neSouth Africa dzine mukana wakakura wekubudirira pane Zimbabwe inotonga nedemo.

Asi kana kuchitariswa zvakabuditswa gore rapera nesangano rinoongorora kupunduka kwakaita nyika dzepasi rese, reLegatum Institute, Zimbabwe inyika yezana rine makumi matatu nepfumbamwe (139) pakubudirira, kubva panyika zana nemakumi matanhatu ane nomwe (169).

Vaimbove mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vaudzawo Studio 7 kuti kusvika nyika ino yava kutongwa nevanhu vanoremekedza bumbiro remitemo, hazvigoni kuti ibudirire. VaChamisa vati, “Bumbiro remitemo chairo harichengetedzwi.” Vatiwo, “Mitemo inoshandiswa zvichienderana nekuti wabuda mumba mani. Izvozvo zvinoita kuti nzvimbo isagarika. Ngatibvisei makudo mumunda tigogona kukohwa mumunda.”

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reThe African Cause Trust, VaElton Ziki, vanoti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe zvikabviswa, nyika ino inoyerera huchi nemukaka. VaZiki vati, “Nyika ino yakati inoda kushamwaridzana nenyika dzose pasi rese, pasina kupokana.” Vatiwo, “Saka vekuAmerica ngavabvise zvirango zvehupfumi zvavakatemera Zimbaber, tidyidzane mune zvakanaka.”

Asi nerimwe divi, imwewo nyanzvi inowongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari chipangamazano kusangano reInternational Media Support, VaRashweat Mukundu, vanoti Zimbabwe ikaisa zvimiti munzeve ichiramba kubatsirwa hapana chinobuda. VaMukundu vati, “Chaita kuti nyika isaende mberi, hudzvanyiriri hunoitwa nehurumende pamwechete nechiokomuhomwe, nehumwe hukopokopo.” Vatiwo, “Zvakanaka kuti mumiriri weAmerica ataura kuti anoda kushanda neZimbabwe kuti matambudziko aya agadziriswe.”

Mumashoko avo nevatori venhau nhasi, mumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Tremont, vatiwo kunyange nyika yavo isina basa nekuti Zimbabwe yadyidzana nenyika dzakaita seRussia neChina, ivo vachaedza kuti mabhizimusi ekunyika kwavo auyewo muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG