Accessibility links

Breaking News

VaTrump Votambira Kusarudzwa Kwavo Kuti Vatungamirire maRepublicans Musarudzo Vachiti VaChadzinga Vasina Magwaro


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nhasi vakurudzira kubatana apo vatambira zviri pamutemo kusarudzwa kwavo semumiriri webato remaRepublicans ichaitwa muna Mbudzi. VaTrump vatambirwa nemufaro nevanhu vange vachidaidzira kuti “USA!, USA!, USA!”

Aka ndekekutanga VaTrump vachitaura kubva zvavayedza kuurayiwa nemusi weMugovera naThomas Matthew Crooks kuPennsylvania.

VaTrump vati, “Ndiri kupinda musarudzo iyi kuti ndive mutungamiri wenyika yose kwete yechimwe chidimbu cheAmerica.”

VaTrump vataurawo nezvekuda kuurayiwa kwavakaitwa vachiti zvinhu zvinorwadza zvakaitika kwavari uye havadi kuramba vachizvitaura. Vaudza nhengo dzebato ravo kuti, “Mazuva mashoma adarika, rwendo rwangu nemi rwakapotsa rwaguma.”

Vati vakapfurwa panzeve yekurudyi vachibva vatanga kubuda ropa. Vatenda vasori vanovachengetedza nekuvadzivirira kwavakaita kuti vasapfurwe.

VaTrump vati kunyangwe zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka vakanzwa kusimba nekuti Mwari aive navo.

Vati vange vasingafanire kuve pamusangano wanhasi. VaTrump vatorawo mukana uyu kurangarira VaCorey Comperatore vakaurayiwa pavakapotswa nemabara.

Mhuri yaVaTrump
Mhuri yaVaTrump

Mhuri yaVaTrump kusanganisira mudzimai wavo Melania Trump, vana nevazukuru vange varipowo pachiitiko chanhasi vachitsigira VaTrump.

VaTrump vataurawo nezvemitemo yavachadzika kana vakasarudzwa inosanganisira kuomesera vekunze vanoda kupotera muAmerica. Vati vekunze ava vanobva kunyika dzakaita seLatin America nekuAfrica.

VaTrump vavimbisa kudzinga munyika vose vari muAmerica vasina magwaro. Vapomera vekunze ava mhosva dzekuponda vanhu muAmerica nekutorera zvizvarwa zvayo mabasa.

Vati vari kuda kuti America isapinde muhondo nedzimwe nyika. VaTrump vatiwo nyika dzakapamba zvizvarwa zveAmerica dzinofanira kuzvidzora vasati vatora chigaro.

Vatiwo vakasarudzwa vachagadzirisa nyaya dzezvehupfumi kunyanya nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu.

Vataurawo nezvekuendeswa kwavo kumatare nemhosva dzakawanda dzavari kupomerwa vachiti zviri kukonzerwa nevebato remaDemocrats ari kupinza zvematongerwo enyika mumatare.

Izvi zviri kurambwa nemaDemocrats achiti munhu anotongwa nemhosva yake pasina kutarisa kuti abuda mumba maani.

Hulk Hogan
Hulk Hogan

Vamwe vataura pamusangano uyu vanosanganisira muvhangeri VaFranklin Graham avo vati Mwari ndiye akapa kuti VaTrump vapunyuke nepaburi retsona pavakapfurwa. Aimbova mutambi wresting Hulk Hogan ndemumwe ataurawo pamusangano wanhasi achiti VaTrump igamba.

Joe Biden

VaJoe Biden
VaJoe Biden

Asi kunyangwe VaTrump vange vachitambirwa nemufaro, zvinhu hazvina kumira zvakanaka kubato remaDemocrats uko vamwe vave kuti nekuda kwekuwegura, mutungamiri wenyika VaJoe Biden vave kufanira kuenda pamudyandigere vosiira mumwe kuti akwikwidze.

VaBiden parizvino vari kumba kwavo kuDelaware kwavari kumbozorora sezvo vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Forum

XS
SM
MD
LG