Accessibility links

Breaking News

Vakawanda kuMamisha Votakurwa neMidhudhu Nekusamira Zvakanaka kweMigwagwa


Vamwe vagari vekumaruwa vave kukwira zvimudhudhu mukufamba sezvo motokari dzave kudhura uye dzave shoma nekuda kwemigwagwa isirikufambika.

Mumwe anoshandisa zvimudhudhu mukufamba ndiVaCollin Matope vekuKasimure kuHurungwe mudunhu reMashonaland West avo vanoti mitengo yazvo yakanaka chose. VaMatope vati, a
“Zvakachipa kukwira chimudhudhudhu, nekuti paunobhadhara madhora ekuAmerica mana pakombi unobhadhara madhora maviri”VaMatope vanotsanangura.

Mugari wekuManyene mudunhu reMashonaland East VaSimon Mukuruva vanotiwo zvimudhudhu zvinofamba kunyange pasingapindike nemotokari. Vatizve, “Nechimudhudhudhu unokurumidza kusvika uye hautore nguva yakawanda wakamiriri sekombi inonzi inofanira kutanga yazara.”

Mumwe ane chimudhudhu anotakura vanhu ndiVaSimbarashe Manjengwa vekuHurungwe, vanoti basa iri riri kuvapa raramo. Vaudza Studio 7 kuti, “Ukatakura vanhu vana kana vashanu pazuva unowana mari iri pakati pemadhora gumi nemashanu kana makumi maviri”

VaManjengwa vanoti vanotyaira mudhudhu wavo vasina rezinesi nekuda kwekushaya mari yekunoritora. Vanoti vakatenga chimudhudhu chavo nemadhora ekuAmerica chiuru nemazana maviri kana kuti US$1 200 mushure mekutengesa fodya yavainge varima. Vati, “Ndine tarisiro yekuti nditore rezinesi asi parizvino zvinhu zvakandiomera sezvo mhuri inoda kurarama”

Mutauriri wesangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe, VaRichmond Munodawafa vatenda kuti veruzhinji vave kushandisa zvimudhudhu. VaMunodawafa vati, “Tiri kuona kuti vanhu vari kufamba nezvimudhudhudhu vari kuramba vachiwanda uye tinozvinzwisisa sezvo mota dzaveshoma kana kuti hadzisi kusvika kwese”

VaMunodawafa vati vose vane zvimudhudhu vanofanirwa kunge vaine marezinesi uye kufamba vaine maheremeti, “kudzivirira kukuvara kwakanyanya panoitika njodzi”

Vatiwo kudzivirira tsaona, vari kupa mashoko echenjedzo kune vose vanoshandisa zvimidhudhu munzvimbo dzakawanda.

Mumwe mushandi webazi rinopa marezinesi reVehicle Inspection Department uyo aramba kutipa zita rake sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau atendawo kuti huwandu hwevanhu vari kutora marezinesi ekutyaira zvimudhudhu hausi kukwira zvakanyanya kana zvichienzaniswa nekuwanda kuri kuita zvimudhudhu zvacho

Mushandi uyu anoti kutora gwaro rekudzidzira kutyaira chimudhudhu kana kuti provisional license zvinoda madhora ekuAmerica makumi maviri.

Mumwe mukuru munyaya dzekuburitswa kwemashoko mubazi reZimbabwe National Roads Authority kana kuti ZINARA-Amai Tsungie Matiure- Manyeza vati zvimudhudhu hazvibhadhare pazvinofamba mumigwagwa kana kuti pama tollgates. Asi vati zvinofanira kubhadhara madhora ekuAmerica makumi mana pamwedzi mina yege yega pagore semutero.

Kutakurwa kwevanhu nezvimidhudhu kuri kuitika mune dzimwe nyika dzakawanda dzemuAfrica kusanganisira kuNigeria, Ghana, Siera Leon, Liberia, neZambia, Uganda, Tanzania, neKenya. Kunyika dzekumabudazuva kweAfrica zvimidhudhu izvi zvinonzi bodaboda

Nyaya yekutyaira vanhu vasina marezinesi nezvekuzvidzivira kana kuti mahelmets inonzi neWorld Health Organization kana kuti WHO iri kupa kuti vanhu varasikirwe nehupenyu mutsaona dzemumigwagwa. WHO inoti pasi rose njodzi dzadzikira nezvikamu zvishanu kubva muzana kana kuti 5%. Asi muAfrica njodzi dzemumigwagwa dzakwira kusvika pazvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana kana kuti 17%.

Muna 2021 chete, vanhu zviuru mazana makumi maviri nemakumi mashanu kana kuti 250 000 vakafa munjodzi dzemumigwagwa muAfrica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG