Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoita zveMitambo Vari kuMaruwa Vanoti Vari Kusiiwa Muzvirongwa Zvakawanda


Members of the Safeguard Young People (SYP) perform at the Harare International Festival of the Art)
Members of the Safeguard Young People (SYP) perform at the Harare International Festival of the Art)

Vamwe muchikamu chezvemitambo vari kushushikana nekwavanoti kusaenzaniswa kwemikana pakati pevatambi vemumaguta makuru nevemumadhorobha madiki pamwe nemumaruwa vachikurudzira National Arts Council of Zimbabwe kugadzirisa matambudziko aya.

Asi hurumende kuburikidza neNational Arts Council of Zimbabwe iri kuramba kuti iri kurerekera divi rimwe segakanje.

Vakawanda vari kuchema chema vanoti shuviro yavo kuona vatambi vose vachiwaniswa mikana yakaita sekupinda muzvirongwa zvehomwe yevatambi kana kuti magrants pamwe nekuratidza mitambo yavo pamakungano makuru akaita semaNational Arts Merit Awards kana kuti NAMA zvisinei nematunhu avanogara.

Mumwe ari kushushikana nekushaiwa mikana iyi muimbi wechidiki Leonard Hlungwani anogara kumaruwa ekuChiredzi. Vati, "Zvirongwa zvakawanda zvinoitirwa kumaguta makuru akaita seHarare isu vekumaruwa nekumadhorobha madiki tichisara kunze saka tinokurudzira hurumende kuti izvigadzirise" mashoko aLeonard Hlungwani.

Vanoongorora nezvemitambo vachitungamira sangano reEarground Africa VaPlot Mhako vanoti matambudziko aya anogona kugadziriswa kana zvirongwa zvakawanda zvemitambo zvakaita seNAMA zvikachitanga kutarisawo vagari vekumatunhu akasiyana siyana kwete kutenderera muHarare neBulawayo chete. VaMhako vati, "Donzvo guru rinofanirwa kuti rive rekupa mikana yakaenzana kumunhu wese anoita zvemitambo kuti vasimukire zvisawandira kuHarare chete."

Vachipawo mawonero avo panyaya iyi, vanoongorora nezvemitambo vachitungamira chikamu chezvidzidzo zvemitambo paUniversity of Zimbabwe Doctor Ngonidzashe Muwonwa vanotiwo mamiriro akaita hupfumi munyika ndiwo apa kuti mikana muchikamu ichi ishomeke zvokonzera gakava.

"Saka tinoona kuti vanoita zvemitambo vanowanikwa vachiomerwawo sekuoma kwakaita zvinhu munyika saka tinotarisirawo kuti hurumende ikandewo ziso kugadzirisa matambudziko aya" Dr Ngonidzashe Muwonwa vaudza Studio 7.

Asi mumwe mutambi anogara kwaMutare Igi Matope uyo akambobudirira pamubairo wehomwe yevatambi pasi pechirongwa chesangano reCulture Fund cheCreative ACTIONS icho chinonziwo nevamwe hachipe vatambi mikana yakaenzana anoti vari mune zvemitambo havafanire kurasa mbereko nekufirwa. VaMatope vati, "Ndinokurudzira vatambi vose kuti vasarase tariro varambe vachiedza kutsvaka mikana muno nekunze varttarise zvinobudawo padandemutande"

Asi murongi wemabasa musangano reCulture Fund VaSimba Mudhokwani varamba kunakurirwa nyoka mhenyu vachiti, "Munhu wese akasununguka kunyoresa kupinda muzvirongwa zvedu kuti akwanise kuwanawo mari dzatinopa pasi pezvirongwa zvedu pasina kana rusarura".

Vachitaura neStudio 7 panyaya iyi, mukuru weNational Arts Council of Zimbabwe VaNapoleon Nyanhi vanoti hurumende ine vamiriri mumatunhu ose unova munongedzo wekuti havana wavari kusiya kumashure. Ko pane vane zvichemo? VaNyanhi vati, "Tine mahofisi mumatunhu madiki nyika yose saka tinokurudzira vatambi vose kuti vatishanyire vakwanise kubatsirwa. Izvi zvinoratidza kuti tinobata kwese"

Vawedzera vachiti zvirongwa zvavo zvakaita seNeshamwari Dance Festival, “Jikinya neNAMA zvinobata matunhu ose uye zviripo kupa mikana yakawanda kuvatambi vose"

Munyori mukuru mubazi rezvemitambo VaNicholas Moyo vanoti bazi ravo riri kushanda neNational Arts Council of Zimbabwe kuvandudza chikamu chezvemitambo.

Mune imwewo nyaya, kwange kusingadanwe anonzwa nezuro panzvimbo ye7 Arts Theatre muHarare apo vaimbi vemusambo weHip Hop kubva kuAmerica vanosanganisira Dee-1, Nick Neutronz, Lady Beast na Krithi vakange vachitandadza vanhu pasi pechirongwa chinokokerwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe cheNext Level Hip Hop Academy.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG