Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika yeAmerica, VaJoe Biden, Vanobuda muMakwikwi eSarudzo Vachitsigira Amai Kamala Harris kuti Vatore Chinzvimbo Chavo


Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris.

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, vazivisa neSvondo kuti vave kubuda mukukwikwidza vakamirira bato ravo remaDemocrats musarudzo yemutungamiri wenyika iyi iri kuitwa muna Mbudzi wegore rino.

Izvi zvinotevera kurudziro yevamwe mubato ravo iyo yanga yawandisa yevanga vachiti VaBiden vabude musarudzo zvichitevera kutatarika kwavakaita pagakava ravakaita nevari kumirira bato remaRepublican musarudzo iyi, VaDonald Trump, musi wa 27 Chikumi.

Kubuda musarudzo kwaVaBiden uku kuri kuuya kwasara mwedzi mina chete kuti sarudzo iyi iitwe.

VaBiden vanonzi vabva vazivisa kuti vari kutsigira mutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris, kuti vave ivo vachakwikwidzana naVaTrump musarudzo yemutungamiri wenyika iyi.

VaBiden vati vane hurongwa hwekupedzisa nguva yavo yekutungamira nyika yasara, iyo inopera musi wa 20 Ndira, 2025.

Vachinyora padandemutande ravo re"X” iro raimbonzi Twitter, VaBiden vati, “Rwanga rwuri ruremekedzo rwangu rwehupenyu hwese kwekuti ndikushandireyi semutungamiri wenyu.

"Uye kunyange hazvo hwanga huri hurongwa hwangu hwekuti nditsvage kusarudzwa zvakare, ndinofunga kuti zvakanakira bato rangu nenyika kuti ndibude musarudzo ndonangana nekuzadzisa mabasa angu semutungamiri wenyika kwenguva yangu yasara.”

Hazvisati zvazivikanwa kuti vanga vachiti VaBiden vabude musarudzo iyi vachatambira here kutsigirwa kwaAmai Harris naVabiden uku.

Gungano reDemocratic National Convention rekudoma zviri pamutemo achakwikwidza akamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika richaitwa kuChicago mudunhu reIllinois kubva musi wa 19 kusvika musi wa 22 Nyamavhuvhu 2024.

Forum

XS
SM
MD
LG