Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muZimbabwe Vorumbidza Danho raVaBiden Rekubuda muMakwikwi eSarudzo yeMutungamiri weNyika muAmerica


VaJoe Biden vaifanirwa kukwikwidza vakamirira Democratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika.
VaJoe Biden vaifanirwa kukwikwidza vakamirira Democratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vakawanda munyika vanoti danho rakatorwa nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, rekubuda mumakwikwi esarudzo yemutungamiri wenyika rinoratidza kuti VaBiden vakateerera zvido zveveruzhinji vachiti vatungamiriri wemuZimbabwe neAfrica vanofanira kudzidza kubva kuna VaBiden

Mumwe mugari we muHarare, VaOwen Dhliwayo, vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa naVaBiden zvakanakira hutongi hwejekerere muAmerica uye zvinogona kuwedzera mukana wekuti bato ravo reDemocratic Party rikunde nekuti pane vamwe mubato iri vange vasiri kufara kuti Biden vapinde musarudzo idzi sezvo vakwegura.

“Saka zvinoratidza kuti vanokoshesa nyika yavo kupfuura zvido zvavo, saka kumira kwavaita kwaratidza iko kuti mutungamiriri wenyika wega wega chinhu chakanaka kuti ukaona kuti handichakwanisi kuenderera mberi wosiya zvako, wosiya vamwe vanokwanisa vachienda mberi nebasa racho.”

Mutauriri wechimwe chikwata chebato reCitizens Coalition for Change, VaPromise Mkhwananzi, vati zvakaitwa neVaBiden zvakanakira bato ravo uye zvinoratidza kuti mutungamiriri anoteerera.

Vaenderera mberi vachiti izvi ndizvo zvinofanira kuitwa nevatungamiriri wemuZimbabwe.

“Zvakanaka zvikuru uye zvinokurudzirwa. Kana muno muZimbabwe kana ruzhinji ruchinge rwati VaMnangagwa nagavabve nechikonzero chimwe kana chimwe vanofanira kuterera mashoko anenge ataurwa nevanhu.”

Mushandi mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vati vanotaririsira kuti sarudzo dzekuAmerica dzichafamba zvanakaka pasina mhirizhonga sezvaikitika svondo rapfuura apo vari kumirira bato reRepublican Party, VaDonald Trump vakapfurwa vari pamusangano wekutsvaga rutsigiro kuPennsylvania.

“VaBiden zvavaita ndizvo zvinotenderwa nebumbiro remutemo wavo havana kumbunyikidzwa. Zvinhu zvinotenderwa saka isu tinongoramba tichikurudzira vanhu vekuAmerica kuti ngavarambe vachifamba nemutemo vasazoise mutemo mumaoko avo voguma vopfurana.”

Mutungamiriri webato reDemocractic Party, Doctor Wurayayi Zemba, vaudza Studio 7 kuti vatungamiri vakwegura muZimbabwe neAfrica vanofanira kutevedza gwaro rakatorwa naVaBiden.

“Kana totarisa zvematongerwo enyika chidzidzo chikuru chinofanira kutevedzwa nekuti ikozvino mukaona kuti tinaVaMugabe vakagara makore makumi matatu nemanomwe kusvikira vave kuti pasi neZanu PF vasingatozive kuti vari kutotsoropodza musangano wavo tikazoona futi zvakazoitika zviya saka ikozvino mazera anenge akaura pabasa haachafanira kuvapo”

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vati VaBiden vakaratidza kuti mutungamiriri anoisa zvido zveveruzhinji pamberi pezvavo ivo pachavo sezvinoitwa nevatungamiriri vemuAfrica.

“MuAfrica muno umu ngaticherechedzei kuti vechidiki vapindewo mumabasa ehutungamiriri. Zvakakoshazve kuti tive nehwaro hwekuti zvinhu zvinofamba sei. Kana mutemo wenyika uchidai haufaniri kutambwa tambwa nawo."

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, Doctor Wellington Gadzikwa, vati zvaitwa naVaBiden zviratidza kuti vanokoshesa nyika yavo.

VaBiden vakazivisa kuti vari kutsigira mutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris, kuti vave ivo vachakwikwidzana naVaTrump musarudzo yemutungamiri wenyika iyi.

Gungano reDemocratic National Convention rekudoma zviri pamutemo achakwikwidza akamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika richaitwa kuChicago mudunhu reIllinois muna Nyamavhuvhu 2024.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG