Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeZimbabwe yoYambira Veruzhinji Kuti Vazvibate muNguva yeMusangano weSADC


VaMnangagwa vachitaura pakuradzikwa kwaBrigadier General (Rtd) Michael Chaminuka muHarare.
VaMnangagwa vachitaura pakuradzikwa kwaBrigadier General (Rtd) Michael Chaminuka muHarare.

Hurumende yeZimbabwe yayambira vanhu kuti vazvibate pachaitwa musangano weSADC Summit mwedzi unouya, ichiti munhu achatyora mitemo yenyika acharangwa zvinoenderana nemitemo yenyika.

Asi vemapato ezvematongerwo enyika anopikisa, pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira vanoti uku kutyisidzira vanhu kuti vasataure nhunha dzavo vakasununguka.

Vachitaura pamarinda eHeroes Acre muHarare neMuvhuro pakuvigwa kwegamba renyika, mushakabvu Brigadier General (Rtd) Michael Chaminuka, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira veruzhinji kuti vabatirane pamwe nehurumende yavo kuitira kuti musangano wevatungamiri venyika dzekuchamembe kweAfrica, weSADC Summit, ubudirire.

Vachitaurawo pakuradzikwa kwaVaChaminuka, gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, havana kurova imbwa vakaviga mupinyi, vachivimbisa shamhu ine munyu kunaani zvake angafungidzirwa kuti anoda kukanganisa musangano uyu.

“Vane nzeve dzekunzwa vanzwa, kuti zvanzi nemukuru wenyika, VaMnangagwa, ngatishandei zvakanaka, zvine simba uye murunyararo kuti titambire vaenzi vedu zvakanaka. Zvino kana ukaita vadzimu vasingakude, vanokurega uchiita musikanzwa, hameno hako. Usazoti mavara angu azara ivhu.”

Mutumbi waBrigadier General (Rtd) Michael Chaminuka.
Mutumbi waBrigadier General (Rtd) Michael Chaminuka.

Asi mashoko aVaKazembe aya, haana kutambirwa zvakanaka nevemapato anopikisa, pamwe nevemamwe masangano anoshanda akazvimirira, vachiti kutaura uku ndekwekuda kutyisidzira zvizvarwa zvemuno kuti zvisati bufu, chero kodzero dzavo dzichimbunyikidzwa.

“Vana veZimbabwe ngavasatyiswe, nekuti nyika ino haisi yaVaKazembe kana yaVaMnangagwa, inyika yeruzhinji rweZimbabwe. Chinguva nyika ino yakadyiwa rutivi nevanhu vashomana. Ngatishandisei nzira dzese dzatinoda kuratidza kusagutsikana kwedu nezvirikuitika munyika, dzinosanganisira kuratidzira, sezvo kuchitenderwa nebumbiro redu remitemo.”

Kutaura uku kunotsigirwa naVaTapiwanashe Chiriga, vanoshanda nesangano rakazvimirira, reHeal Zimbabwe.

“Zviri kuita sekuti hurumende iri kuwedzera kakusagadzikana kainako, apo gadziriro dzemusangano uyu dziri kuendera mberi. Tiri kuona vanhu vachityisidirwa kana kutosungwa chaiko kwevanopikisa hurumende zviri pamutemo. Hurumende inoda kutyisa vanhu kuti vasataura zvinyunyuto zvavo apo SADC ichange iri muno mumwedzi unotevera.

Asi mukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti havawirirane nemashoko aVaMkwananzi.

“Isu tinoraba tichitsinhira zvataurwa nemutungamiri wenyika VaMnangagwa, kuti ngatitambirei vaenzi mune zvakanaka, musangano wedu uenderere mberi pasina chinouvhiringidza. Ndinovimba kuti munhu wese ane chido nenyika ino, haangadi kuishoresa kunyange nenzira ipi zvayo. Kune avo vari kuti mashoko ataurwa ndeekutyisidzira, vane katurikwa, ndiko saka vari kuvhunduka chati kwatara.”

Vanhu vaungana pakuvigwa kwaBrigadier General (Rtd) Michael Chaminuka.
Vanhu vaungana pakuvigwa kwaBrigadier General (Rtd) Michael Chaminuka.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, vanoti kunyange mutungamiri wenyika VaMnangagwa vanga vataura mune zvakanaka kuti vaenzi vanoda kubatwa zvakanaka, gurukota ravo VaKazembe ndivo vazobvongodza mashoko emukuru wavo.

“Mashoko aVaMnangagwa anga akajeka chose, sezvo vataurawo pachikuru. Asi avo VaKazembe varikutaura zvematemo netsvimbo, ayewa zve, ngavatinyararire. Iko kana mukuru ataura, zvimbwanana ngazvichinyarara nekuti mashoko emutungamiri wenyika, tese tanga tamanzwa.”

Musangano weSADC Summit uchaitwa nemusi wa17 Nyamavhuvhu, uye Zimbabwe ndiyo ichapiwa chimuti chekuva sachigaro weSADC kwegore rose.

Husachigaro hweSADC hunoitwa huchichinjanwa gore rega rega nenyika dzose gumi nenhanhatu dziri mudunhu reSADC.

Muchakabvu Chaminuka vakashaya musi wa 13 Chikungururu mushure mekurwara kwenguva pfupi.

VaChaminuka vakaberekwa muna 1962, uye vasiya vana vashanu nemudzimai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG