Accessibility links

Breaking News

High Court Inorasa Nyaya Mbiri Dzakanga Dzawanikwa VaJob Sikhala vaine Mhosva neDare raMejasitiriti


VaJob Sikhala.
VaJob Sikhala.

Dare repamusoro rehigh court neMuvhuro rarasa nyaya mbiri dzakanga dzambowanikwa vaimbove mumiriri weZengeza West muparamende uye vari sachigaro vesangano renational Democratic Working Group,NDWG, VaJob Sikhala, vaine mhosva nedare repasi ramejasitiri.

VaSikhala vakabatwa nemhosva yekushambadza manyepo vachinzi vakatenderedza padandemutande reFacebook nyaya yekuti mumwe mupurisa akanga arova mwana aive kumusna kwevamwe amai akabva afa.

Pamhosva iyi, VaSikhala vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mipfumbamwe iyo yakasendekwa parutivi kana vakabhadhara mazana mashanu emadhora ekuAmerica.

Pane imwe nyaya yekupesvedzera mhirizhonga parufu rwenhengo yeCCC, Muzvare Moreblessing Ali muna 2022, VaSikhala vakawanikwa zvakare vaine mhosva vakanzi vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu uyo wakasendekwa parutivi kana vakabhadhara madhora mazana matanhatu ekuAmerica.

Asi vakapikisa mitongo miviri iyi mudare reHigh Court, iro razorasa nyaya dzose dziri mbiri.

VaSikhala vagakara kuChikurubi Maximum Prison kwemazuva mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemashanu, kana kuti 595, vasati vatongwa.

Vaudza Studio 7 kuti kuraswa kwenyaya dzavo uku kunoratidza kuti hurumende yakangovasunga ichida kuvashungurudza pamwe nekuvamisa kuti vasakwikwidza musarudzo dzemuna 2023.

VaSikhala vanoti vachagara pasi nemagweta avo kuti vaone matanho ekutora pamusoro pekusungwa nekugariswa mujeri kwavo ivo vasina mhaka yavakapara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG