Accessibility links

Breaking News

Vavhoti Votaura Maonero Avo paDanho raVaBiden Rekuti Havachakwikwidze Zvakare Musarudzo yeMutungamiri weNyika


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Danho remutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump rekuti havasi kuzokwikwidza zvakare musarudzo yemutungamiri wenyika rakanganisa zvakanyanya zvirongwa zvebato remaRepublicans iro richangobva mukusarudzo VaDonald Trump zviri pamutemo kuti vari tungamirire musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Mutori wenhau Scott Stearns anotipa zviri kufungwa nevavhoti nezvedanho raVaBiden iri munyaya.

Kuzivisa kwakaita VaBiden havachakwikwidze zvakare musarudzo kwakashamisa mumwe muvhoti wekuGeorgia VaJon Diggs.

Vati, “Ndinofunga kuti muAmerica mune vakawanda vakaita seni, vachiri pakati nepakati, vasati vazvipira kuvhotera bato kana kuti vakarerekera kumaDemocrats vari kushamisika zvikuru nedanho raVaBiden uye hatizive kuti izvi zvinorevei kwatiri.”

Mumwe muvhoti wekuGeorgia VaJohnny Bester vanoti VaBiden vaifanira kunge vakazivisa kare kuti havasi kuzokwikwidza.

VaBester vati, “Ndakave nekakutya negwara rainge rotorwa nenyika uye kuda kutungamira nyika kwemakore akawanda kwaVaBiden.” Vaenderera mberi vachiti, “ Kutaura chokwadi, ndainge ndisingadi kuti varambe vachitungamira. Asi ukatarisa ivo VaBiden otarisa VaTrump unongozvibvunza kuti ko ndiyani mumwe angatungamire?”

Mudunhu reOhio, imwe nhengo yebato remaDemocrats VaRichard Freeman vanoti VaBiden vainge vasina mukana wekukunda VaTrump. Vati, “Ndinofunga kuti idanho rakanaka.” Vaenderera mberi vachiti, “Ndinofunga kuti VaBiden vainge vasina mukana wekukunda VaTrump. Vanhu vakawanda vainge voshushikana nezera ravo nekuti vakura, kana neni zvainditambudza.”

KuNebraska, muvhoti Amai Cathy Lindmier vanoti VaBiden vainge voratidza kukwegura kana mupfungwa kubva zvavakasarudzwa kutungamira nyika.

Amai Lindmier vati, “Ndinonzwa kusuwa kwakanyanya nekuti ndinofunga kuti VaBiden vakaita basa guru, uye vakauya muhofisi vachida kuunza kubatana munyika. Asi izvi hazvina kuitika.”

KuSouth Carolina mumwe muvhoti, Mariana Hall anoti danho raVaBiden harisi kuzoita kuti asavhotere VaTrump. Amai Hall vanoti, “Ndinofunga tichaona chipatapata mubato remaDemocrats vachiyedza kuti ndiyani achatungamira bato iri musarudzo.”

Vatiwo, “Ndiri kuona vamwe vachiti havasi kuda kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris nekuda kwezviri kuitwa nehurumende zvisiri kufarirwa nevakawanda.”

Mumwe muvhoti wedunhu reWashington Jill Home anoti Amai Harris ndivo wavari kuda. Amai Home vati, “Ndiri kutsigira Amai Harris.” Vatiwo, “ Ndoda kuona mudzimai achitungamira. Ndinofunga Amai Harris vane njere dzakapinza. Vanogona kutaura. Ndinofunga vakagadzirira. Vavewo neruzivo panyaya dzekutungamira.”

Mudunhu reOregon, muvhoti VaDavid Strong vanoti vakagadzirira kutsigira Amai Harris. Vati, “Hakusi kuti Amai Kamala Harris ndivo vachasarudzwa kuti vatungamire.” Vaenderera mberi vachiti, “Asi vakasasarudzwa ndinoona pachizoita ropa rakaipa pakati penhengo dzebato remaDemocrats.”

MuNew York, Staci Pritt anoti zvinhu zvakaoma kuti maDemocrats akunde VaTrump.

Ati, “Tinoda mutungamiri wechidiki uye anoratidza kuti anokwanisa kutungamira.” Atizve, “Asi kuti munhu uyu anokwanisa kukunda VaTrump here zvinhu zvinonetsa kuziva. Zviri nani asi, ndinofunga zvikaitika tinenge tiine mukana wekukunda.”

Muvhoti wekuNew York zvakare, Madeline Mills anoti VaBiden vakanonoka kuzivisa veruzhinhi nezvedanho ravo rekusakwikwidza. Amai Mills vati, “Ndinoshuvira kuti dai bato remaDemocrats rainge ragadzirisa nyaya iyi paine nguva kuitira kuti zvisaite kunge zvechimbi chimbi uye zvisina kurongeka.” Vatizve, “ Asi ndinofunga dai VaBiden vakapinda musarudzo vaikundwa naVaTrump.”

Kunyangwe VaBiden vakati vari kutsigira Amai Harris kuti vatungamire bato musarudzo yemutungamiri wenyika, bato ravo, nhengo dzebato ravo dziri kutarisirwa kuvhota pamusangano mukuru weDemocratic National Convention kuChicago mwedzi unouya.

Nyaya iyi yatumirwa naScott Stearns VOA mukaiverengerwa neni Evans Zininga VOA Studio 7

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG