Accessibility links

Breaking News

Madzimai eChidiki Oitawo Mabasa eMakombi neMishikashika


Muzvare Rumbidzai Gomo
Muzvare Rumbidzai Gomo

Mamwe madzimai echidiki ave kuita mabasa aisimboonekwa seevanhurume akaita sekutyaira makombi kana mushikashika kana kuita mahwindi.

Vamwe vanoti zviri kukonzerwa nekuoma kwehupenyu asi vamwe vanoti uyu munongedzo wekuti madzimai akapihwa mukana haana chaanotadza kuita.

Nhamo yakaunzwa nedenda reCovid-19 yakatanga kupararira munyika muna 2020 ndiyo yakasunda Muzvare Rumbidzai Gomo kuti vatange kuita hwindi wemotokari dzemushika-shika.

Muzvare Gomo vati, “Ibasa randakatanga mu lockdown, zvinhu zvaoma, zvinhu zvachinja.” Vatiwo, “Ndirimo mu lockdown imomo ndipo pandakaomwerwa nehupenyu. Saka ndopandatanga zvemushika-shika ndichienda kuBindura, Harare-Bindura,” akadaro Rumbidzai

Vanotyaira tekisi pana Copacabana muHarare, Muzvare Precious Nyanhanga vanoti vakatanga basa iri muna 2009 apo vanoti kuenda kwehupfumi kumawere pasi pehutungamiri hwamushakabvu Robert Mugabe ndiko kwakapa kuti vatsvage nzira yekurarama. Vati, “Ndakazvitanga 2009 mushure mekungewo zvinhu zvisina kumira zvakanaka.”

Vaenderera mberi vachiti, Ndandine rizinesi rangu ndokubva ndangotanga kutsvaka zvaindipawo kuti ndirarame. Hupenyu hwangu hwakachinja zvekuti ndakakwanisa kuendesa vana vangu kuchikoro vakapedzawo,” akadarowo Nyanhanga.

Muzvare Ronica Duduwo anoti ane chitambi chekutyairawo uye ari kudawo kutyaira makombi sevamwe. Vati, “Ndogona kusheyedzera makombi, ndogona kutyaira makombi, ndinogona kugeza makombi acho.

“Basa rinoitwa nevarume, ini ndinogona kutoriita, asi hatisi kupihwa mukana wakadaro,” vadaro Muzvare Duduwo.

Chipangamazano musangano reWomen’s Coalition, Muzvare Bridget Mashayahanya, vaudza Studio 7 kuti mazuva ano nekuda kwekuoma kwehupenyu, madzimai haachaite zvekusarudza mabasa .

Mutauriri wesangano rePassengers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Goliath vati vanotenderanawo naMuzvare Mashayahanya.

Muzvare Rumbidzai Gomo vati ivo madzimai anofanira kusiya tsika yekugarira maoko vachiti, “Kune madzimai akasiiwa nevarume ari kuchema kana kuti madzimai atori nevarume, munhu wechidzimai ngaashande.”

“Hupfumi hwenyika zvahwuri hazvidi mudzimai akarara nezamu mumukana,” Muzvare Gomo vakadaro.

Mukuru mubazi rezvemadzimai Amai Lilian Matsika- Takaendisa vati itsika yavo kukurudzira madzimai kusazeza kuita mabasa anonzi ndeechirume. Amai Matsika- Takaendisa vati, “Isu sebazi rinomorira vanhukadzi tinemufaro mukuru kuona vanhukadzi vavakushanda mumabasa avakanga vasingabvumidzwe kuita vachinzi ndeevanhurume.”

Bumbiro renyika rinokurudzira kuenzeniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhurume munyaya dzemabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG