Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveMari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, Votarisirwa Kutura Hurongwa hweMari hwePakati peGore neMusi weChina


Muzvinafundo Mthuli Ncube , gurukota rezvemari.
Muzvinafundo Mthuli Ncube , gurukota rezvemari.

Apo gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari kutarisirwa nemusi weChina svondo rino kutura mudare reparamende bhajeti repakati pegore pamwe nemashandisirwo akaitwa mari yenyika mumwedzi mitanhatu yekutanga kwegore rino, kana kuti Mid-Term Budget and Economic Review, mapoka akawanda ane tarisiro dzakasiyanasiyana kubva mubhajeti iri.

Sachigaro vekomiti yeParamende inoona nezvehupfumi vari mumiriri weZaka South, VaClemence Chiduwa, vanoti zvinotarisirwa mubhajeti richaturwa naMuzvinafundo Ncube zvinosanganisira mamiriro ehupfumi hwenyika, mitemop mitsva, uye kuti zviga zvekuti nyaya dzemari dzinenge dzakamira sei.

"Zviri mumitemo yedu yenyika kuti minister vanofanirwa kuuya neinonzi Budget Strategy Paper rinova gwaro rinotaura kuti pagore ra2025 tinenge tichiseenzesa mari yedu nema priorities akamira sei. Vanouyazve neMid-Term Review inotarisa kuti budget redu ratakaita ra 2024 ravaka presenter musi wa 30 November, 2023 iye zvino tasvika papi? Hatizivi zvedu kuti vachauya ne supplementary budget here?"

Mutungamiri wesangano revezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti sevezvitoro vanotarisira kuti kushandiswa kwemari itsva yeZiG kuchapararira kumapoka akawanda.

"Nekuti pari zvino vezvitoro vanoti vakatambira mari yeZiG kubva kune vatengi, vari kushaya kwekuzoiendesa nekuti vanogadzira zvinhu vari kuzoiramba. Vanobvuma vacho vari kushandisa exchange rate inenge iri pamusorosoro."

Vakambotungamira sangano revemabhizimusi, reConfederation of Zimbabwe Industries, Doctor Callisto Jokonya, vanoti tarisiro yevemakambani hombe ndeyekugadzirisa matambudziko ekushaikwa kwemari inokwana pamwe nekushaikwa kwemagetsi izvo zvinove zvavanoti zvikuru zviri kunetsa vemabhizimusi ari pamutemo.

Ukuwo, Muzvinafundo Ncube vakazivisa muhurukuro yavakaita nebepanhau reSunday Mail svondo rino kuti havasi kuzoparura humwe hurongwa hwemari yekutsigira yavakaisa mubhajeti ravo rekutanga kwegore, kana kuti supplementary budget, vachiti nyika ine mari inoikwanira kuita zvose zvainoda.

Izvi zvinotsigirwa nenyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, avo vanoti nekudzikama kwakaita hupfumi hwenyika havaoni zvakakosha kuti pawedzerwe imwe mari mubhajeti riripo.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kunyange paine zvichaturwa naVaNcube, nguva zhinji hapana zvikuru zvinotarisirwa mubhajeti repakati pegore kunze kwekungonzwa kuti mari dzakashandiswa sei.

Sezviri kutaurwa naDoctor Chitambara, vakawanda vanoti bhajeti repakati pegore ragara zvaro kazhinji richingotarisa kuti hurongwa hwehurumende huri mugwara here?

Asi nekuda kwenzara iriko gore rino, vakawanda vanoti vanga vaine tarisiro yekuti zvimwe hurumende ichawedzera mari mune zvimwe zvirongwa zvakanangana neveruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG