Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi veZINASU Vorohwa Zvakaipisisa neMapurisa


 Vital Maronjese of ZINASU
Vital Maronjese of ZINASU

Mapurisa nhasi arova zvakaipisisa pamwe nekuvhiringidza musangano weGeneral Council werimwe sangano revadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro veZimbabwe National Students Union kana kuti ZINASU uyo wange uchiitirwa paZESA National Training Centre muHarare.

Vadzidzi ava vanoti vange vachangotanga musangano wavo apo mapurisa asvika ndokutanga kuvavindikitika vamwe vakasara vakuvara zvakaipisisa.

Mumwe wevadzidzi ava arohwa zvakaipisisa, Regis Muzambi, anoti ashamisika kuona mapurisa achivhiringidza musangano wavo wavange vachiita zviri pamutemo.

Muzambi ati, “Hurumende inoziva kuti kune boka rinomirira vadzidzi saka patabuda ipapo ndopataona mapurisa ari mumbatya dzekudzivirira mhirizhonga vachiratidza kuti vauya kuzorova nekusunga vanhu ndopaitika kumhanya mhanya nekubatwa kwevanhu vachirohwa.”

Vatizve, “Vanhu varohwa vakaiswa mumarori ndokuendswa kukamba yemapurisa.”

VaMuzambi anoti vamwe vatiza asi makumi mana nevashanu vasungwa vakaendeswa kukamba yeHarare Central uko makumi mana nevana vabhadhariswa faindi yemadhora makumi maviri pamunhu.

Mutauriri weZINASU paHarare Polytechnic, VaLiberty Hamauswa, vanoti vamanikidzwa kubvuma mhosva yekuti vakonzera mhirizhonga.

VaHamauswa vati, “Tasvika kuHarare Central (Police Station) tamanikidzwa kubhadhara faindi tanzi tisarudze kuti tinoda mhosva ipi pane yekukonzera kusagandzikana kana yekupesvedzera mhirizhonga.”

Vanotiwo mutungamiri weZINASU, VaEmmanuel Sitima vabviswa pane vamwe vavo kuHarare Central uye vange vasati vaburitswa muhusungwa pataenda pamhepo.

Vadzidzi ava vari kumiririrwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Vanoona nekushambadzwa kwezvirongwa musangano reHeal Zimbabwe Trust, VaTapiwanashe Chiriga, vashora zvaitwa nemapurisa.

“Hurumende iyo iri kuvhunduka chati kwatara, inofanira kurangarira kuti bumbiro remutemo nekodzero dzedu hazviturikwi mudenga nekuti kune SADC Summit kana kuti wave mukana waVaMnangagwa wekuva sachigaro weSADC.” VaChiriga vaudza Studio 7.

Vaimbove mutauriri webato reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vashorawo zvaitika nhasi vachiti zvave kuitwa nehurumende zvinoratidza kuti iri kutya vanhu.

Asi mumashoko avo kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa, Commissioner Paul Nyathi vati mapurisa asheedzwa kuzochengetdza runyararo paZESA National Training Centre mushure mekunge nhengo dzeZINASU dzakonzera mhirizhonga.

VaNyathi varambawo mashoko ekuti ZRP ndiyo yakakonzera mhirizhonga vachiti vese vanoita misangano yavo vanofanira kutevedza mutemo.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa vakatoyambira vese vanoda kukanganisa runyararo pamberi pemusangano weSADC kuti vacharangwa.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya apo vaiviga VaMichael Chaminuka paNational Heroes Acre. VaChaminuka vati, “Ndinokurudzira mese vana veZimbabwe kuti mushande nesimba kuti munyika muve nerunyararo nerugare kune vachati shanyira nevatungamiriri vedzimwe nyika.”

Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe vakakurudzirawo veruzhinji kuti vaterere yambiro yemutungamiriri wenyika iyi kuti vasapinde mutsekwende.

VaKazembe vakati, “Zvino ukazoita munyama kana kuti une vadzimu vasina kusimba kana kuti vasingakude, vasina hanya newe, vokurega uchiita misikanzwa, hameno hako usazoti mavara angu azare ivhu nekuti muno mune mutemo.”

Hurumende iri kurambidza veruzhinji kuita misangano ichityira kuti vanhu vanogona kuratidzira pamberi pemusangano weSADC Summit uyo uri kutarisirwa kuona mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachitora chijanho chekuva sachigaro we SADC kwemwedzi gumi nemiviri inotevera..

Kutaura kudai pane nhengo makumi manomwe nenomwe dzeCCC dziri mutirongo mushure mekusungwa mwedzi wapera dzichipomerwa mhosva yekuita musangano zvisina mvumo.

Asi nhengo idzi dzinoti dzaipemberera zuva remwana wemuAfrica reInternational Day of the African Child.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG