Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vopa Zvikonzero Zvavo Zvekusakwikwidza Zvakare Musarudzo yeMutungamiri weNyika


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vataura kunyika yavo nezvedanho ravo rekuregedza kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muna Mbudzi gore rino vakamirira bato remaDemocrats.

Vatura mashoko aya vari muhofisi yemutungamiri wenyika yeOval Office kumuzinda weWhite House muWashington DC.

Mutungamiri wenyika ati, “Pane nguva nenzvimbo yekuti pauye mazwi matsva, mazwi evechidiki.” Vatiwo, “Zvakanaka kuti utambidze mwenje kune mumwe.”

VaBiden vakatozivisa kuti vari kukurudzira mutevedzeri wavo Amai Kamala Harris kuti vamiririre bato musarudzo.

Asi Amai Harris vanofanira kusarudzwa zviri pamutemo kumusangano mukuru weDemocratic National Convention uchaitirwa kuChicago mwedzi unouya.

Nhasi vadzokorora zvakare kuti sei vari kutsigira Amai Harris. Vati, “Munhu ange achinditsigira zvakasimba.” Vaenderera mberi vachiti, “Vane ruzivo rwakadzama. Munhu asingazununutswe nyore, vanogona basa.”

VaBiden vati vanokoshesa zvikuru hofisi yavo, asi vati vanoda nyika yavo zvakayanya. Vatiwo, “Hakuna chinhu chingakoshe zvekukunda kurwira hutongo hwejekerere.”

Asi vati vachaenderera mberi nebasa ravo kusvika paitwa sarudzo vozoenda pamudyandigere. VaBiden vati vachashanda kuvandudza dare repamusoro soro uye kutsvaga mushonga wekurapa chirwere chegomarara.

VaTrump Voenda Kumatare

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Apo VaBiden vange vachitaura, VaTrump vange vachiita musangano wekutsvaga rutsigiro kuNorth Carolina. VaTrump vati, “Sezvamunoziva, mazuva matatu adarika takakunda mutungamiri wenyika akakakoniwa zvakanyanya munhoroondo yeAmerica- Joe Biden.”

Vatizve, “Ikozvino tave nemumwe wekuchemedza, uyu anoyepa zvakanyanya, Kamala Harris---mutevedzeri wemutungamiri wenyika akundikana zvakanyanya munhoroondo yeAmerica.

VaTrump vaendawo kumatare vachiti VaBiden naAmai Harris vakatyora mutemo weFederal Election Commission. Bepanhau reThe New York Times rinoti VaTrump vanoti VaBiden vaisafanira kupa Amai Harris mari yavainge vapihwa nevanhu kutsvaga rutsigiro inosvika mamiriyoni makumi mapfumbamwe nerimwe kana kuti US$91 million.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG