Accessibility links

Breaking News

America Yotarisana neSarudzo Itsva Kubva Zvabuda Mudariro VaJoe Biden


Amai Kamala Harris naVaDonald Trump
Amai Kamala Harris naVaDonald Trump

Vavhoti vemuAmerica vatarisana nesarudzo yemutungamiri wenyika itsva kubva zvazivisa mutungamiri wenyika VaJoe Biden kuti havachakwikwidze vachiti vave kutsigira mutevedezeri wavo Amai Kamala Harris.

Amai Harris vakasarudzwa nebato ravo remaDemocrats vanenge vave kukwikwidzana naVaDonald Trump vebato remaRepublicans muna Mbudzi. Ko vanhu vari kufungei nezviri kuitika izvi.

Muguta rakaberekerwa VaJoe Biden reScranton, Pennsylvania muvhoti VaEric Boylan vanoti VaBiden vange vasina chimwe chekuita kunze kwekurega kukwikwidza. Vati, Ndinofunga kuti aive mutungamiri akanaka.” Vatizve, “Asi ndinofunga kuti nguva yake yekuenda pamudyandigere yakwana, anofanira kusiira mumwe.”

Mumwe muvhoti, Kristine Stoll anoti kana VaBiden vasisakwanise vanofanira kusiya chigaro chekutungamira nyika. Stoll ati, “Aifanira kunge akasiya kare kare. Anofanira kubuda muWhite House. Haahina pfungwa dzakagadzikana dzekuti atungamire nyika.”

Mumwe muvhoti, VaDaniel Brennan vanoti kupinda kwemutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris kunowedzera mukana wekuti vakunde VaDonald Trump vemaRepublicans.

Brennan ati, Amai Harris vari kuratidza kuti vane rutsigiro rwakanyanya kudarika VaTrump. Ndinofunga kuti vanokwanisa kukunda.” Atiwo, “Ndinofunga vari kuita zvinofanira kuitwa kunyangwe vamwe vange votyira kuti hapana chinobuda.”

Vachishanyira dunhu reWashington, mumwe mugari wekuPennsylvania VaBill Mills vanoti Amai Harris vanofanira kubatanidzwa pamwe naVaBiden pakupa kuti hupfumi huende kumawere. VaMills vati, “Tiri kuona mitengo yezvekudya nemafuta ekufambisa dzimotokari ichiwedzera uye tave kunetseka zvikuru.” Vatizve, “Amai Harris vari muhurumende saka ndiri kuona zvichanetsa kuti vazvipatsanure pamatambydziko aya.”

Mudunhu reMichigan, muvhoti VaJason Potts vanoti kuuya kwaAmai Harris kuchapa kuti vakwanise kukwezva vechidiki. Vatiwo, “Ndinofunga kuti vainge vakangomirira nguva yekuti pauye munhu anokwanisa kunyatsotungamira.” Vaenderera mberi vachit, “ Tichaona kuti ndiAmai Harris here. Vanoratidza kuti vanenge vane mwando.”

Semutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Harris vaishanda panyaya yekudzivirira kupinda nekubuda kwevanhu munyika.

Mumwe muvhoti wemuFlorida, VaChristopher Ran Gil vanoti kusafamba zvakanaka kwezvinhu kumiganhu wenyika kunoita kuti vasakodzere kutungamira.

VaGil vati, “Amai Harris havana chavanoziva.” Vatizve, “VaBiden vatori nani. Vanhu vacho vakangofanana. Asi handifunge kuti pane achavhotera Amai Harris. Vainge vaine basa rimwe chete rekugadzirisa zvinhu kubhodha rinova ravakatadza.”

Asi mumwe muvhoti mudunhu reWashington Amai Alicia Jefferson vanoti vanovimba kuti vanhu havangoone Amai Harris semunhu kadzi wechitema asi kutarisawo zvakakwanisa kuita.

Amai Jefferson vati, “Ndinovimba ndizvo zvichaitwa nevanovhota.” Vatiwo, “ Asi munyika muno matinogara, vamwe vanoita izvozvo vamwe havaite. Ndine chivimbo chekuti vakawanda vachatarisa zvavakaita kuti vasaite zvimhingamupinyi munzira yavo yekuenda kuWhite House.”

Mudunhu reNew Yorke muvhoti VaAndrew Varshavsky vanoti zvakaoma kukunda VaTrump. Vati, “Kunyangwe dai VaBiden vakaramba vachikwikwidza, kana nani zvake, hazvisi nyore kukunda VaTrump.”

Vaenderera mberi vachiti, “ VaTrump vane mukana mukuru wekukunda. Ini ddiri muDemocrat. Asi ndinofunga kuti zvichanetsa kuti tikunde musarudzo iyi.”

Amai Harris vanenge vave nerutsigiro rwakakwana kubva kunhengo dzebato ravo kuti vakwanise kutungamira bato musarudzo. Asi achamiririra bato achasarudzwa kumusangano weDemocratic National Convention kuChicago mwedzi unouya.

Nyaya iyi yatumirwa naScott Stearns, VOA News, maiverengerwa neni Evans Zininga VOA

Forum

XS
SM
MD
LG