Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Ropa Mutongo weKuti Hurumende Irapise Musungwa Kuremekedza Kodzero Dzake


Mumutongo wakakosha zvikuru munhoroondo yenyika, dare repamusoro reHigh Court rapa mutongo wekuti hurumende irapise mumwe musungwa kuzvimba mumuviri kwaakatanga kuita ari mumamwe majeri emunyika anonzi nevanorwira kodzero dzevanhu haana kukodzera kuchengeteea vanhu.

Mutongi wedare repamusoro Justice Nyaradzo Munangati-Manongwa vakati mukuru wemajeri Commissioner-General Moses Chihobvu veZimbabwe Prisons and Correctional Service Commissioner-General Moses Chihobvu negurukota rezvehutano Doctor Douglas Mombeshora vaone kuti Leeroy Muteyera ane makore makumi mana apihwa kodzero yake yezvehutano iri mubumbiro remitemo vachiti vabviswe chakadunduvira mumuviri wavo ichi.

Muteyera ave nemakore gumi ari mujeri. Muteyera ari mujeri reHarare Central mushure mekumbopika ari kuChikurubi Maxium Prison akamirira kutongwa zvakare panyaya yekuponda.

Akaendesa VaChihobvu kumatare achiti vakundikana kugadzira majeri ekutivanhu vakwanise kugara vasingaise hupenyu hwavo munjodzi. Muteyera aimirirwa naMuzvare Charleen Hlongwani vekambani yeTendai Biti Law vachitsigirwa nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Muteyera anoti mujeri anorara pasi uye anoti anozvidemba kuti akarwarirei. Anoti akambotorwa ropa kuti rivhenekwe asi harina kuongororwa nekuda kwekuti painge pasina mari.

Asi hurumende yanzi ivarape mukati memwedzi miviri. Hatina kukwanisa kubata Doctor mombeshora vanzi vari kuGernany kana VaChihobvu.

Forum

XS
SM
MD
LG