Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vanoti ZiG Rakanyukura Nyika Kubva KuMawere


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vaparura hurongwa hwepakati pegore hwekupenengura bhajeti renyika nhasi.

Vati vanotarisira kuti pane zvavakambotuira hurumende ichasara iine chikwereti chechikamu chinodarika chimwe kubva muzana kana kuti 1,3% vachiyambira kuti nekuda kwenzara iriko zvinhu zvinogona kuenda kumawere. Asi vatiwo kuparurwa kwakaita mari yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG mumwedzi waKubvumbi wegore rino, kwadzikamisa hupfumi hwenyika.

Vachiparu hurongwa hwavo mudare reparamennde kuMt Hampden pedyo neHarare nhasi, VaNcube vati vane tarisiro yekuti hupfumi huchaderera zvishoma nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura. Vati, “Tiri kutarisira kuti hupfumi hwedu huchadzikira nwchikamu chimwechete nezviga zvitatu kubva muzana (1.3%) gore parichapera."

Vaenderera mberi vachiti, "Chatisvitsa apa ndechekuti tinofunga kuti tichawana mari yemuno yekushandisa sehurumende, inogona kusvika mabhiriyoni makumi mapfumbamwe nemana (ZWG93.2billion) asi yatichashandisa inogona kusvika mari yemuno mabhiriyoni mapfumbamwe nemanomwe (ZWG96.8billion.)

Vatiwo vari kutarisira kuti bazi rezvekurima richaderera nezvikamu zvinodarika makumi maviri nechimwe kubva muzana kana kuti 21, 2% kwete zvikamu zvinodarika zcina nezviga zvpfumbamwe kubva muzana kana kuti 4,9% sezvavaitarisira muna Mbudzi gore rapera pavakaparura bhajeti ravo.

Vachitaurawo neStudio 7 panze pedare reparamende Muzvinafundo Ncube vati vanofara nemamiriro akaita hupfumi hwenyika, zvichikonzerwa nemari yeZiG. VaNcube vati, “Tava kutora matanho ekuti ZiG ishandiswe mukubhadhara mitero nevemabhizimusi, uyewo kuti veruzhinji vakwanise kubhadhara zvavangada kubva kuhurumende nemariyemuno."

Vatiwo, "Tinovimba kuti matanho aya achabatsira kuti mari yedu itenderere munyika.”

VaNcube vavimbisawo kutora matanho ekusimbisa mari yeZiG vachiti makambani emuno, achange ava kubhadhara mari zvikamu makumi mashanu kubva muzana (50%), yemitero yawo nemaZiG kana kudarika; ukuwo veruzhinji vachange vave kukwanisa kubhadhara zvizhinji zvavangada kubva kuhurumende, nemari yemunyika.

Asi anomirira vemapato anopikisa mudare reNational Assembly, uye vari nhengo yechimwe chikwata cheCCC, Amai Lynnette Karenyi-Kore, vati havaoni chakanaka chataurwa navaNcube, chichabatsira veruzhinji. Amai Karenyi-Kore vati, “Maonero angu hapana chichashanduka; ngoma ndiyo-ndiyo yekutambura kwevana vemuZimbabwe."

Vatizve, "Mukatarisa paya pavati tinogona kubhadhara kuhurumende nemari yemuno, vakasika kuti asi pane zvimwe zvinozobhadharwa nemari yekunze. Izvi zvinoreva kuti mari yemuno haisati yava kukwanisa kuzvimirira yega.”

Vaimbove gurukota rezvemari munguva yehurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti vativo, “Kutaura kwandiri kuita nemi, dhora rekuAmerica rimwechete rava kutengwa nemaZiG makumi maviri nechidimbu."

"Zvinoratidza kuti riri kupera simba. Saka VaNcube vanga vachibata vanhu kumeso. Dai vari mumwe vashandisa mukana wavawana kuudza veruzhinji kuti vakundikana, uye vave kusiya basa segurukota rezvemari muno.” VaBiti vaudza Studio 7.

Asi vanotungamira komiti yezvemari mudare reNational Assembly, uye vari nhengo yeZanu PF, VaClemence Chiduwa, vati matanho ataurwa naMuzvinafundo Ncube ekusimbisa mari yeZiG anoyemurika. VaChiduwa vaudza Studio 7 kuti, “Chandanyanya kufarira ndechekuti zvese zvine chekuita nevanhu, vati vachazviisa pamberi."

Vaenderera mberi vachiti, "Apa ndiri kutaura nyaya yenzara, kuchitiwo kubatsirwa kwevanoshaya, pamwechete nekuyamura vana vanobhadharirwa neBEAM. Kuuya kweZiG kubudikidza nebhanga guru renyika reRBZ, kwanga kwasara nekutsigirwa nemitemo, inova yazotaurwa naVaMthuli.”

Mutevedzeri wemunyori mukuru musangano reZimbabwe Cogress of Trade Unions, VaKudakwashe Munengiwa vati VaNcube vasiya mushandi ari pamhene. VaMunengiwa vati, “Vashandi vazhinji vanotambira ZiG kumabasa, asi vanozoda kunotenga mari yekuAmerica kuitira kuti vakwanise kuzobhadhara zvakasiyana-siyana zvekushandisa muhupenyu hwavo."

Vatizve, "Mari yekunze iyi vanoiwana pamusika mutema nekuti haiwaniki nyore kumabhanga. Saka kana vachiti mari yemuno yakasimba, hatiwirirani navo sevashandi nekuti iri kupera simba zvikuru mari yedu.”

Sachigaro wesangano remubatanidzwa waana muzvinabhizimusi, reCEO Africa Roundtable, VaOswell Binha, vaudzawo Studio 7 kusimbisa ZiG kwakanaka asi mari yacho haisi kubatika. Vati, “Nanhasi tiri kuti chero tikapinda muzvitoro, havana mari yekutipa seChange, zvinoreva kuti mari yedu yemuno ishoma zvakanyanya."

Vatiwo Saka vana veZimbabwe chero vakada kushandisa maZiG acho, havakwanisi nekuti muhomwe haimo. Asi kana ikatanga kuwanika, zvinopawo kuti tive nechivimbo nemari iyi.”

VaNcube vatiwo mamwe mabasa akaita sekugadzira zvidhina nekuchera vibhorani achasiirwa zvizvarwa zveZimbabwe. Mabasa aya ange ave kuitwa nezvizvarwa zvekuChina kunyanya.

Muzvinafundo Ncube vatiwo Zimbabwe ine chikwereti munyika nekunze, chinosvika mabhiriyoni mazana maviri ane makumi mapfumbamwe kana kuti (287.2bill ZiG). Zimbabwe iri kutatarika kubhadhara chikwereti chayo zvopa kuti vakawanda vakaita seIMF nevamwe vanokweretesa mari varambe kuipa mari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG