Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshoropodzwa neKuramba Ichimbunyikidza Vanhu pamberi peMusangano weSADC


Mapurisa anoti ari kuchengetedza runyararo pamberi pemusangano weSADC.
Mapurisa anoti ari kuchengetedza runyararo pamberi pemusangano weSADC.

Apo musangano weSADC uri kuitirwa muZimbabwe mwedzi unouya uri kuswedera, hurumende iri kupomerwa mhosva yekuwedzerawo kutyora kodzero dzevanhu kuburikidza nekurambidza misangano, kurova pamwe nekusunga vemasangano akazvimirira nevemapato anopikisa.

NeChitatu mapurisa anonzi akaparadza musangano wesangano revadzidzi reZINASU waiitirwa muHarare pamwe nekusunga vadzidzi makumi mana nevana, vamwe vakasara vakuvara.

Asi mapurisa anoti akatoshevedzwa kunodzimura mhirizhonga yakanga yave kuitika kumusangano uyu achiti midziyo yakaparadzwa.

NeMuvhuro uno gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vakayambira vana veZimbabwe kuti vasaita zvemusarinya vachida kukanganisa musangano weSADC uyu kana kusvibisa zita renyika, vachiti vachabatwa vari kune rimwe divi remutemo vacharangwa zvakaomarara.

Ukuwo, nhengo dzeCCC makumi manomwe nesere dzakasungwa mwedzi wapera dzichiri muhusungwa dzichinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakayambirawo veruzhinji kuti vasakanganisa musangano mukuru uyu, apo vachatambidzwa husachigaro hwesangano iri.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti hurumende iri kutya zviri kuitika kunyika dzakaita seKenya neUganda uko vechidiki vari kuratidzira vachinyunyuta nekukwira kwemitero pamwe huwori.

Nhengo yeboka revechidiki reCCC, VaStephen Chuma, vanoti zviri kuitwa nehurumende mucherechedzo wekuti iri kutya vana veZimbabwe nekuda kuviga zvakaipa zvairi kuita zvainotya kuti zvinobuda munguva yeSADC.

VaChuma vanoti bumbiro remitemo yenyika rinobvumidza vanhu kuratidzira murunyararo, zvinove zviri kuitika pari zvino, asi vanhu vari kutyorerwa kodzero dzavo vachisungwa.

Asi nhengo yeboka revechidiki reZanu PF, VaSnowball Tongogara, vanoti vanochengetedza runyararo munyika vane runyerekupe rwekuti pane vanopikisa vari kuda kukanganisa musangano weSADC, nekudaro vanofanirwa kutora matanho akakodzera.

VaTongogara vanoti hapana vanhu vari kuita misangano yavo zviri pamutemo vari kurambidzwa kuungana, vachiti dambudziko riri nderekuti vanopikisa vanoda kuita misangano vasina kuzivisa mapurisa.

Ukuwo, VaChuma vanoti aya manyepo vachiti vanoita zvose asi mapurisa ane mitemo yakasiyana kana achibata nyaya dzeveZanu PF nedzevanopikisa, vachiti veZanu PF vari kubvumidzwa kuungana pamadiro ari vanopikisa vari kurambidzwa.

Forum

XS
SM
MD
LG