Accessibility links

Breaking News

Madzishe Anoti Ave Kunetsekana neKubatsira Vakapamba Mapurazi Muna 2000 Vave Kudzingwa Vachinzi Havana Magwaro Akakwana


Mutorashanga
Mutorashanga

Madzimambo masabhuku, navanasadunhu vanoti vakatarisana nedambudziko revanhu vari kudzingwa munzvimbo dzavagere zviri kunzi hazvisi pamutemo nehurumende sezvo vasina tsamba kana kuti ma“offer letters.”

Vamwe vevagari ava vanoti vakatanga kugara muzvimbo dzavave kubviswa muna 2000 pakaparurwa chirongwa chaehondo yeminda vachena vachitorerwa minda ichipihwa vatema asi vatsigiri vebato reZanu-PF kunyanya.

Mumwe ari kubviswa papurazi reWater Leak kwaZvimba ndiVaMunashe Nhete vanoti vane makore makumi matatu vari papurazi iri uye havazive kuti vachaenda kupi. Vaudza Studio 7 kuti, “Muno mune mhuri dzinodarika chiuru, tine nguva yakatirebei tiri muno vamwe vakauya muna 2000 vamwe muna 2001 zvichingodaro.”

KuMazowe, mudunhu reMashonaland Central mune vamwe vatarisana nedambudziko rekudzingwa nechisimba vakaita saVaJackson Masango avo vanoti havachazive pfumo rovabaya.

Mambo Nembire, VaClemence Nembire vekuMashonaland East vanoti madzimambo haapindire munyaya dzeminda sezvo riri basa rebazi rezvekurima, nebandiko reLands Committee. Asi vati pane dzimwe nguva vanobatsira vachishanda nehurumende.

“Kana paita matambudziko akanyanyisa misuwo yamambo yakavhurika, vana vanogona kuenda kuna mambo, mambo voenda kuna sachigaro weLands Committee vonogadzirisa chichemo cheminda.“ Mambo Nembire vaudza Studio 7.

Mambo Chundu, VaAbel Mbasera vekwaChundu kuMashonaland West vanoti vari kuita dambudziko revanhu vari kudzoka kumapurazi kwavainge vaenda vosvikozvigarisa munzvimbo yavo vazvisiri pamutemo zvakare. Mambo Chiundu vati, “Tave kuita matambudziko evana vanodzoka kumapurazi vozvigadza panzvimbo zvisiri pamutemo.”

Mambo Ngezi VaPeter Pasipamire vekuMashonaland West vatiwo, “Vanhu vasina pekugara vari kuwanda mudunhu mangu, tave kutovaendesa kukomiti inogovera vanhu pekugara.”

Sadunhu Katizagombo, VaGibson Jenami vekwaZvimba vanoti vamwe vaimboshandira vachena vakasiiwa pamapurazi vave kudzingwawo zvowedzera matambudziko kumadzishe. Vaudza Studio 7 kuti vaomboyedza kuyananisa varidzi vemapurazi nevavari kudzinga.

Vati, “Ndinotaura nemwana wangu adzinga vanhu ndichimuonesa matambudziko anenge avepo nekuti kunyangwe zvaanenge achiita zviri pamutemo, zvinoomesera hurumende nekuti yawandirwa nevanoda kugariswa patsva”

Mutevedzeri wemukuru wemadzimambo, Ishe Fortune Charumbira vaudza Studio 7 kuti madzishe anofanira kubatsira vari kudzingwa ava.

Gurukota rezvekurima VaAnxious Masuka vanoti haasi munhu wese achawana munda. Vakurudzira vanhu kuti vaite mushandirapamwe. Vati, “Kana uchigona kurima unoenda kune munhu ane munda moshanda pamwechete, ndizvo zvatinokurudzira”

Pasi pebumbiro remitemo renyika, hurumende inosungirwa kutanga yatsvagira vanhu pekugara isati yavadzinga. Asi magweta anorwira kodzero dzevanhu akaita seZimbabwe Lawyers for Human Rights, Zimbabwe Human Rights NGO Forum, Amnesty International neHuman Rights Watch, anoti izvi hazvisi kutevedzerwa.

Zimbabwe yakaisawo ruko rwayo pazvibvumirano zvemudunhu nepasi rose zvekuti isadzinge vanhu yovasiya pamhene zvinoti United Nations International Covenant on Economic, Social and Cultural Rights neAfrican Charter on Human and People’s Rights.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG