Accessibility links

Breaking News

MaOlympic Games Ari Kuparurwa Zviri Pamutemo muParis Nhasi Zimbabwe Ichinzi Ine Chikwata cheHurumende Chakakura Kudarika Vatambi


Ceremonial smoke in the colors of the France flag appear over the Seine River in Paris, during the opening ceremony of the 2024 Summer Olympics, July 26, 2024.
Ceremonial smoke in the colors of the France flag appear over the Seine River in Paris, during the opening ceremony of the 2024 Summer Olympics, July 26, 2024.

Makundano e2024 Paris Olympic Games ari kuparurwa manheru ano Zimbabwe iine vatungamiri vakawanda kubva kumapazi ehuurmende kudarika vatambi.

Zimbabwe yakamirirwa nevatambi vanomwe vanoti Makanaka Charamba, Tapiwa Makarau, Paige DeVan Westhuizen, Denilson Cyprianos Stephen Coc, Rutendo Nyahora naIsaac Mpofu.

Chiri kushungurudza veruzhinji ndechekuti Zimbabwe iri kunzi ine vatungamiri vakawandisa kudarika vatambi.

Vamwe vari kuti pane vatungamiri vanosvika makumi matanhatu nevanomwe.

Vari kutungamira chikwata cheZimbabwe VaRingisai Mapondera vanoti havana vanhu vakawanda sezviri kutaurwa.

"Zimbabwe Olympic Commiittee yakabuditsa iyo vanhu varikumirira Zimbabwe kumaOlympics. Team delegation yedu ine vatambi vanomwe nevatungamiri vasere," vadaro VaMapondera.

Vachinyora padandemutande reX, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati manyepo kuti kune chikwata chevatungamiri chakakura chakaenda kuParis.

Vati vanhu vakaenda igumi nevapfumbamwe. Asi vamwe vari kuti havasi kunyatsotaura nezvevamwe vakaita sevakaenda nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantine Chiwenga uye gurukota rezvemitambo Muzvare Kirtsy Coventry. Kune vamwewo kubva kuSports and Recreation Commission.

Murairidzi wemutambo wekiriketi nerugby Edmore Muthetwa anoti ari kushamisika kuti Zimbabwe yakatumira vanhu vakawanda kudai kumakwikwi aya. "Tine vatambi vanomwe chete, nevatungamiri makumi matanhatu. Vatungamiri ava varikunoitei. Varikunokwikwidza here kana kuti vane zvavarikuenda kunodzidza," anobvunza Muthetwa.

Pakapedzisira kuitwa makwikwi aya kuTokyo muJapan, Zimbabwe yaive nevatungamiri gumi nevatatu asi vatambi vari vashanu chete.

Vaimbova nhengo yeparamende yeNorton VaTemba Mliswa vanoti mari yashandiswa parwendo rweParis. "Tanga tichifanira kuchengetedza mari kuti iende kukusimudzira mutambo mune vechidiki. Vatambi vaenda vashoma asi maofficials akawanda. Unoshaya kuti maofficials arikunotamba mutambo upi. Ndizvo zvagara zvichiitika makore nemakore," vadaro VaMliswa.

Murairidzi wevamhanyi uyezve akambomirira nyika mukumhanya nzendo pfupi, Partson Muderedzi, anoti Zimbabwe inofanira kuteedzera dzimwe hurumende muAfrica idzo dziri kusimudzira vatambi vadzo nerubatsiro rwakasiyana-siyana. "Nyika dzinenge ana Kenya, Ethiopia, Eriteria, neUganda dzirikuita mukurumbira nemhaka yekuti vatambi vavo varikubuda mumauto. Mumauto mune nguva yekugadzirira yakakwana pamwe nezvikwasiro. Mauto anenge ari muhurumende. Dai zvaikwanisika taitawo zvinwechetezvo ," anodaro Muderedzi.

Kune vanoongorora nhau dzemitambo America ndiyo iri kutarisirwa kutora menduru dzakawanda ichiteverwa neChina, Great Britain neJapan. Menduru dzekutanga dziri kutarisira kupihwa mangwana.

Munhoroondo yemakwikwi aya, mutihwini, Michael Phelps wekuAmerica ndiye ane menduru dzakawanda kudarika vamwe vose dzinova makumi maviri nesere-28, makumi maviri nenhatu -23 dziri dzegoridhe.

Anoteverwa naLaris Latynina wegymnastics aimirira Soviet Union ane menduru gumi nesere-18.

MuAfrica, mutihwini, Kirsty Coventry wemuZimbabwe ndiye ane mhenduru dzakawanda kudarika vamwe vose dzinosvika nomwe. Ane dzegoridhe mbiri, dzebronze mbiri uye yesirivha imwe chete.

Zimbabwe yakatora menduru yekutanga muna 1980 kuMoscow apo chikwata chemadzimai chehockey chinozivikanwa nekuti “Golden Girls” chakakunda nyika dzose dzepasi rino

Makundano eParis Olympic Games aparurwa zviri pamutemo nhasi achapetwa musi wa11 Nyamavhuvhu.

Forum

XS
SM
MD
LG