Accessibility links

Breaking News

Vavhoti Votaura Maonero Avo Pakupida Mudariro kwaAmai Harris Vachikwikwidzana naVaTrump


Amai Kamala Kamala Harris naVaDonald Trump
Amai Kamala Kamala Harris naVaDonald Trump

Vavhoti vemuAmerica vatarisana nesarudzo yemutungamiri wenyika itsva kubva zvazivisa mutungamiri wenyika VaJoe Biden kuti havachakwikwidze vachiti vave kutsigira mutevedezeri wavo Amai Kamala Harris.

Amai Harris vakasarudzwa nebato ravo remaDemocrats vanenge vave kukwikwidzana naVaDonald Trump vebato remaRepublicans muna Mbudzi.

Muguta rakaberekerwa VaJoe Biden reScranton, Pennsylvania muvhoti VaEric Boylan vanoti VaBiden vange vasina chimwe chekuita kunze kwekurega kukwikwidza.

VaBoylan vati, “Ndinofunga kuti aive mutungamiri akanaka.” Vaenderera mberi vachiti, "Asi ndinofunga kuti nguva yake yekuenda pamudyandigere yakwana, anofanira kusiira mumwe.”

Mumwe muvhoti, Kristine Stoll anoti kana VaBiden vasisakwanise vanofanira kusiya chigaro chekutungamira nyika.

Amai Stoll vati, “Aifanira kunge akasiya kare kare." Vatizve, " Anofanira kubuda muWhite House. Haachina pfungwa dzakagadzikana dzekuti atungamire nyika.”

Mumwe muvhoti, VaDaniel Brennan vanoti kupinda kwemutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris mudariro kunowedzera mukana wekuti vakunde VaDonald Trump vemaRepublicans.

Vachishanyira dunhu reWashington, mumwe mugari wekuPennsylvania VaBill Mills vanoti Amai Harris vanofanira kubatanidzwa pamwe naVaBiden pakupa kuti hupfumi huende kumawere.

VaMills vati, “Tiri kuona mitengo yezvekudya nemafuta ekufambisa dzimotokari ichiwedzera uye tave kunetseka zvikuru." Vatiwo, " Amai Harris vari muhurumende saka ndiri kuona zvichanetsa kuti vazvipatsanure pamatambydziko aya.”

Mudunhu reMichigan, muvhoti VaJason Potts vanoti kuuya kwaAmai Harris kuchapa kuti vakwanise kukwezva vechidiki. VaPotts vati, “Ndinofunga kuti vainge vakangomirira nguva yekuti pauye munhu anokwanisa kunyatsotungamira." Vatiwo, "Tichaona kuti ndiAmai Harris here. Vanoratidza kuti vanenge vane mwando.”

Semutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Harris vakapihwa basa rekutungamira chirongwa chekuti vanhu vasangopinda muAmerica vasina magwaro akakwana.

Mumwe muvhoti wemuFlorida, VaChristopher Ran Gil vanoti kusafamba zvakanaka kwezvinhu kumiganhu wenyika kunoita kuti vasakodzere kutungamira.

VaGill vati, “Amai Harris marara chaiwo. VaBiden vatori nani." Vaenderera mberi vachiti, "Vanhu vacho vakangofanana. Asi handifunge kuti pane achavhotera Amai Harris. Vainge vaine basa rimwe chete rekugadzirisa zvinhu kubhodha rinova ravakatadza.”

Asi mumwe muvhoti mudunhu reWashington Amai Alicia Jefferson vanoti vanovimba kuti vanhu havangoone Amai Harris semunhukadzi wechitema asi kutarisawo zvavakakwanisa kuita. Amai Jefferson vati, “Ndinovimba ndizvo zvichaitwa nevanovhota."

"Asi munyika muno matinogara, vamwe vanoita izvozvo vamwe havaite. Ndine chivimbo chekuti vakawanda vachatarisa zvavakaita kuti vasaise zvimhingamupinyi munzira yavo yekuenda kuWhite House.” Amai Jefferson vaudza VOA.

Mudunhu reNew Yorke muvhoti VaAndrew Varshavsky vanoti zvakaoma kukunda VaTrump.

VaVarshavsky vati, “Kunyangwe dai VaBiden vakaramba vachikwikwidza, kana nani zvake, hazvisi nyore kukunda VaTrump." Vaenderera mberi vachiti, " VaTrump vane mukana mukuru wekukunda. Ini ddiri muDemocrat. Asi ndinofunga kuti zvichanetsa kuti tikunde musarudzo iyi.”

Amai Harris vanenge vave nerutsigiro rwakakwana kubva kunhengo dzebato ravo kuti vakwanise kutungamira bato musarudzo. Asi achamiririra bato achasarudzwa kumusangano weDemocratic National Convention kuChicago mwedzi unouya.

Nyaya iyi yatumirwa naScott Stearns, VOA News, maiverengerwa neni Evans Zininga VOA Studio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG