Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muZanu PF Vowedzerawo Ruzha Rwekuti VaMnangagwa Varambe Vari paNyanga Kunyange Hazvo Temu Yavo Ichipera Muna 2028


Nhengo dzeZanu PF dzakawanda dziri kuti VaMnangagwa vasaenda pamudyandigere.
Nhengo dzeZanu PF dzakawanda dziri kuti VaMnangagwa vasaenda pamudyandigere.

Mapoka eZanu PF ari kukurudzira kuti mutungamiri webato iri vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa varambe vari panyanga ari kuwedzera zvichitevera kurudziro dzakaitwa neMugovera nedunhu reManicaland pamwe nevechidiki vredunhu reBulawayo.

Mamwe matunhu pamwe nemapoka anosanganisira Masvingo, Midlands, Matabeleland South, vakarwa hondo yerusunguko, pamwe nenhengo dzeparamende dzeZanu PF ndevamwe vari kuparidzawo vhangeri rekuti VaMnangagwa varambe vari pachigaro, kunyange hazvo ivo VaMnangagwa vakati vachaenda pamudyandigere panopera temu yavo muna 2028.

Vari kukurudzira kuti mutungamiri wenyika varambe vari ivo vakabata chimuti vari kupa zvikonzero zvekuti vanofanirwa kupiwa mukana wekti vapedzise zvirongwa zvebudiriro zvavakatanga kubva zvavapinda muhofisi muna 2018, izvo zvine dingindira remuono wa2030, kana kuti Vision 2030.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoyeuchidza vana veZimbabwe vachiti vanhu ngavasakanganwa kuti munhu akatanga nenyaya yese iyi ndivo VaMnangagwa pavakati 2030 vanenge vachiripo.

VaMaguwu vanoti chinoitika muZanu PF ndechekuti munhu wese anotevera zvinenge zvichidiwa nemutungamiri kuitira kuti akwanisewo kudya , zvichireva kuti mapoka ose ari kungotevera zvido zvaVaMnangagwa.

VaMaguwu vanoyambira zvavo kuti Zanu PF nemutungamiri wayo havafanirwe kutyora bumbiro remitemo pamadiro sezvo richitaura pachena kuti VaMnangagwa vanofanirwa kusiya chigaro panopera temu yavo muna 2028.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti bato ravo ibato rinobvumidza vanhu kutaura zvavanoda, asi hazvirevi kuti izvozvo ndizvo zvinozoitika sezvo paine bumbiro remitemo rinoteverwa.

Doctor Mavaza vanoti Zanu PF pamwe naVaMnangagwa vagara vanoremekedza bumbiro remitemo yebato pamwe nemitemo yenyika nekudaro mutungamiri wenyika vachasiya chigaro kana nguva yasvika.

Vanoti mutungamiri webato reZanu PF anodomwa muna 2027 pachaitwa kongiresi yebato iri, saka pachine nguva kuti pasarudzwe mutungamiri.

VaMnangagwa vakazivisa nyika kutanga kwemwedzi uno vari kwaMutare mudunhu reManicaland kuti havasi kuzoshandura bumbiro remitemo kuitira kuti varambe vari panyanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG