Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vemuChinhoyi Vopomera Hurumende Mhosva yeKusapa Vanhu Kodzero Dzavo Uye Kutadza Kurwisa Huwori


Vamwe vevanhu vapinda mumusango weICESCR kuChinhoyi.
Vamwe vevanhu vapinda mumusango weICESCR kuChinhoyi.

Vamwe vagari muChinhoyi vanoti hurumende haisi kupa vanhu kodzero dzavo dzekurarama zvakakwana uye haisi kurwisa huori zvine simba vachiti zviri kuitwa nehurumende zvinofanirwa kubuda mugwaro richaendeswa ku United Nations muna Gumiguru gore rino.

Vanhu vakawanda vaungana muChinhoyi vachipa pfungwa dzavo pagwaro reUnited Nations, International Convention on Economic, Social and Cultural Rights Report.

Vachitaura pamusangano uyu, vagari ava vati hurumende hairevesi panyaya dzekupa nekuchengetedza kodzero dzevanhu munyika.

Mukuru wesangano revechidiki reCentre for Youth Development Trust, VaDaniel Madungwe, vati mugwaro iri munoratidza kuti hurumende iri kutadza kuti vanhu vararame zvakanaka nekushaya mabasa uye vanhu vari kutadza kutengesa zvinhu kuitira kuti vazviraramire sezvo vachisungwa.

“Hurumende iri kutatarika kupa vagari kodzero dzekuwana zvekuzviraramisa nekuti iri kutadza kupa vanhu mabasa uye kupa vanhu mukana wekutengesa kuti vararame,” VaMadungwe vanotsanangura.

Panyaya yehuori, VaMudungwe vati hurumende yatadza kupa huwandu hwevanhu vakabatwa, nyaya dzakaenda kumatare uye vanhu vakabatwa nemhosva dzehuori.

“Gwaro riri kutaura zvishoma pamusoro pehuori uye hurumende yatadza kupindura kuti vanhu vangani vakabatwa, vanganiwo vakazobatwa nenyaya dzehuori,” VaMadungwe vanoenderera mberi.

Mukuru wesangano rinopa ruzivo rwekuti vanhu vararame zvakanaka reMusoro Muchena Skills for Life, Muzvare Hlupheko Mujuruki, vati zvakanaka kuti vanhu vape pfungwa dzavo asi vanoti gwaro iri riri kuratidza kuti hurumende haisi kupa zvavakabvunzwa zvizere zvakafanana nekupa huwandu pazvinhu zvakasiyana siyana.

“Pane nzvimbo dzinoda kuwedzerwa pachidonongodza huwandu,” Mazvare Mujuruki vanotsinhira.

Vamwe vevapinda musangano weICESCR muChinhoyi.
Vamwe vevapinda musangano weICESCR muChinhoyi.


Mumwe mugari wemuChinhoyi, Mazvare Nelia Jeke, vanoti pakodzero dzevanhu hurumende haisi kutaura chokwadi sezvo vanhu vari kunyimwa kodzero dzavo munyika.

“Pakodzero dzevanhu hapana zvakawanda zvataurwa zvinoratidza kuti pane kakunyangirana pasina chokwadi” Muzvare Jeke vanotsanangura.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vesangano reCoalition for Market and Liberal Solitions vanoti hurumende haina nhoroondo yekuteerera zvinobva kuvanhu nekudaro vachazongoisa pfungwa dzavo chete.

“Hurumende haina nhorowondo yekuteerera zvinotaurwa neruzhinji munyaya dzekubvunzurudza zvekuti panozobuda gwaro racho hapana zvinenge zvaiswa kubva kuvanhu,” VaNgwenya vanotsanangura.

Munyori mubazi rezvemitemo, Amai Virginia Nyemba, vati vanhu ngavasununguke kupa pfungwa dzavo uye zvose zviri kubva muvanhu zvichange zviri mugwaro rehurumende richaendeswa ku United Nations.

“Tabuda kuti tinzwe pfungwa dzevanhu nekudaro vanhu ngavape pfungwa dzavo vakasununguka kuti tifambe pamwechete,” VaNyemba vanovimbisa.

Vanga vachikokera musangano wanhasi igweta rehurumende, VaEdward Maisiri, avo vati hurumende inosungirwa kupa gwaro rizere rehurumende kuUnited Nations musi wa 31 Gumiguru gore rino usati wapfuura.

Misangano yekunzwa pfungwa dzevanhu yatanga nhasi muChinhoyi ichaitwa munzvimbo gumi nembiri munyika yose uye ichapera musiwa 9 Nyamavhuvhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG