Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvochemachema neMari Dziri Kubhadhariswa kuMapasipoti


Pasipoti itsva yave kupiwa kune vari kutora mwagwaro ekufambisa.
Pasipoti itsva yave kupiwa kune vari kutora mwagwaro ekufambisa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kuchema-chema nemari iri kubhadhariswa vari kuda magwaro ekufambisa kana kuti mapasipoti vachange vachishandisa hofisi yakavhurwa pamuzinda wenyika muSouth Africa.

Gwaro rakaburitswa mukupera kwesvondo nemuzinda weZimbabwe rakazivisa kuti vose vachange vachitora mapasipoti kumahofisi aya vachange vachibhadhara mazana maviri nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$250.00, inove mari inobhadharwa nevanoda magwaro echimbichimbi, kana kuti emergency passports.

Chimwe chezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kuchema kuti mutengo wepasipoti uyu uri pamusoro zvakanyanya mukuru wekereke yeChiedza cheVatendi, Mufundisi Richard Moyo.

Mufundisi Moyo vanoti hurumende inofanirwa kungotara mutengo unobhadharwa nevari kuZimbabwe vachiti zvinhu zvakangoomera vanhu vose, kusanganisira vacho vari kunze kwenyika, nekudaro hurumende inofanirwa kunziwa vana vayo tsitsi.

Vanoda magwaro ekufambisa asiri echimbichimbi vachitorera kumahofisi ekuZimbabwe vanonzi vanobhadhara zana nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica, mari inonzi nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa ndiyo yavanofanirwawo kubhadhara kana vasiri kuda magwaro echimbichimbi.

Mufundisi Moyo vanoti rimwe dambudziko riripo nderekuti kana munhu atora pasipoti itvsa iyi anofanirwa kuzoenda nayo kumuganho weSouth Africa neZimbabwe uko anozonopiwa mazuva ekugara munyika iyi, izvo vanoti zvinogona kuomera vakawanda.

Muzinda weZimbabwe muSouth Africa wakazivisa kuti mari idzi dzakatarwa nebazi rezvemukati menyika, asi hauna kupa zvikonzero zvakaita kuti hurumende isvike pamutengo uyu.

Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, vatenda kuStudio 7 kuti gwaro iri rakaburitswa nemuzinda wavo, asi havana kupindura mubvunzo wedu wekuti hurumende yakasvika sei pamari iyi?

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvemukati menyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG