Accessibility links

Breaking News

Varombo Voshaya Tarisiro yeKuendawo kumaOlympics Sezvo Zimbabwe Isina Nhandare dzeKuti Vakwenenzvere Hunyanzvi Hwavo


Zimbabwe Olympic Swimmer, Kirsty Coventry
Zimbabwe Olympic Swimmer, Kirsty Coventry

Apo vakawanda pasi rose vari kutaura nezvemitambo yemaOlympics iri kuitirwa kuParis, France, muZimbabwe vechidiki vakawanda vanoti mukana wekuenda kumakwikwi aya zvikuru kuvarombo mudiki diki sezvo nyika isina nhandare kana madihwino ekuti vakwanise kukwenenzevera matarenda avo kunze kwevaya vanodzidza kuzvikoro zveshoroma.

Mubvunzo une wakawanda pane vanotevera nyaya dzemitambo ndewekuti nyika ingakwanise here kuita mumwe mutambi anoronda matsimba aKirsty Coventry uyo ane menduru nomwe kubva kumaOlympics dzakawanda kudarika vatambi vose vemuAfrica. Kirsty aive mutihwini ave gurukota rezvemitambo.

Mugore ra 1995 apo Zimbabwe yakaitirwa matambo yeAll-Africa games, kwakavakwa nhandare dzinoti yeChitungwiza Aquatic Complex, Magamba Hockey Complex neMbare Netball Court muMbare; kuchitiwo Khumalo Hockey Stadium kuBulawayo.

Asi nhandare idzi dzaparara nekuda kwekusagadzirwa. Mazuva ano hadzichazivikanwe nezvemitambo, asi kuti magitare sezvo kwave kuridzirwa nevaimbi vakaita sa Aleck Macheso, Killer T nevamwe.

Wechidiki, uye ari nyanzvi inoongorora nyaya dzezvemitambo akazvimirira, VaNorbert Basvi, vanokurudzira kuti nhandare dzivandudzwe nechimbichimbi.

Basvi ati, “Mukaona nhandare dzakavakwa muna1995 dziya, hadzichazi dzemitambo nekuti dzava kupindirwa masvondo nekuitirwa mimwe mitambo."

Aendererera mberi achiti, "Izvi zvinoratidza kuti hatisi kukoshesa zvemitambo munyika yedu. Kana takatarisana nenhabvu, muchaona kuti zvakawanda zvirikunzi zviitwe, kana tichida kuti nhandare dzedu dzemuno dzinge dzichikwanisa kutambirwa bhora nedzimwe nyika.”

Nyaya dzekusagadzirwa kwenhandare kuri kupa kuti vamwe vechidiki vakaita saMarylyn Makonese weku Highfields, muHarare vagume vasiyana nezvemitambo. Muzvare Makonese vati, “Takaita hedu rombo rakanaka pakuti tine swimming pool munzvimbo yedu, asi yava nemakore akawanda isingashandi zvakanaka."

Atiwo, "Inogara yakavharwa uye mukati macho mvura yacho inenge isina kuchena, uyezve mune mazihuswa anenge asina kuchekwa. Saka kuzoenda kunotuhwinha kune dzimwe nzvimbo dzakafanana nekudhorobha, zvaizondidhurira, ndizvo saka ndakazosiyana nazvo.”

Mumwe wechidiki Mike Mogovera anoti kusagadzikana kwezvinhu munyaya dzemitambo nekushaya hutungamiri, zvakapa kuti vabereko vake vamukurudzire kuita hake zvemabhuku.

“Ini ndaitotamba bhora ndichidzidzira pane chimwe chikoro chebhora chiri muWaterfalls." Mugove audza Studio 7. Atizve, "Asi pakaita gore Zimbabwe isingatambi nedzimwe nyika, ndakanzi nevabereki zviri nani kuita zvemabhuku. Kunyange nazvino ndichiri nechido chekutamba nhabvu asi makore angu afamba. Zvinondirwadza kuti kune vakawanda vakaita seni vakatadza kuenderera mberi nematarenda avo.”

Vechikwata cheZimbabwe Warriors necheDynamons chiri mumumakwikwi emuAfrica vari kumanikidzwa kunotambira nhabvu kuSouth Africa, Rwanda nedzimwe nyika nekuda kwekuti FIFA yakati nhandare dzemunyika hadzikodzere kutambirwa matambo yemhando yepamusoro.

Mumwe wevakuru kubepanhau repadandemutande reBhora Afrika, Leopold Munhende anoti hurumende haina hanya nekuvandudza nhandare idzi.

Munhende ati, “Dai vaive nechido dai vakagadzira nhandare yedu huru yeNational Sports semagadziriro avari kuita migwagwa zvekukasika nekuda kwemusangano weSADC uri kudai kuuya uyu."

Tinodawo kuti mitambo mikuru iuye munyika. Matarenda akawanda ava kungofa sezvo zvikwanisiro zviri zvishoma. Zvese izvi imhosva yehurumende.” Munhende audza Studio 7.

Studio 7 yaedzawo kubata vakuru veZimbabwe Olympics Committee, kuti tinzwe kukosha kwenhandare mukuvandudza matarenda ezvemitambo ane vechidiki, kuti vakwanisewo kukwikwidza padanho repamusoro-soro, asi vakuru vekomiti iyi vanga vasiri kubatika panharembozha dzavo.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemitambo, Muzvare Emily Jesaya, vanoti hurumende iri kuedza nepainogona napo kusimudzira zvemitambo munyika.

Muzvare Jesaya vati, “Bazi redu urine hurongwa hwekuvakwa nekugadziriswa kwenhandare yemitambo iyi, uye hurongwa uhwu huri kuitwa mumatunhu ese enyika. "

Vati, "Mari yekuita izvi iri kubva kuhurumende, naizvozvo tinotenda hutungamiri hwemutungamiri wenyika VaMnangagwa, avo vari pamberi mukutsigira mitambo yemuno. Tiri kudzidzisawo nharaunda pamusoro pekukosha kwemitambo mukugarisana uyewo kuwanisawo vechidiki chouviri.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vagari muHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti makanzuru anewo basa rekugadzira nhandare. VaShumba, “Nzvimbo dzekutambira nekuzvivaraidza dziri kutoshandiswa zvimwe zvinhu zvakafanana nekuvakwa dzimba nezvimwe."

Vatiwo, "Kuratidza kushaya hanya kwevatungamiri. Vana vane matarenda avo, kunyanya vasina mari, vanoramba vachitambura, kunze kwekuti kana vazobatsirwawo neavo vane zvikwanisiro zvacho. Nhandare nenzvimbo dzekuzvivaraidza dzakafanana nezvimwe zvikwanisiro zvinosanganisira mvura, kutakurwa kwemarara, pamwechete nekugadzirwa kwemasiweji zvinowaniswa vagari.”

Kunyange Zimbabwe yakamirirwa nevatambi vanomwe kumaOlympics dzimwewo nyanzvi dzezvemitambo dzinoti nyika yaigona kunge iine vakawanda kudarika apa, dai paikosheswa zvirongwa zvekuvasimudzira kusanganisira nhandare uye kuumbawo zvikwata zvechidiki.

Vari kumiririra Zimbabwe vanoti vamhanyi, Isaac Mpofu, Rutendo Nyahora, Tapiwa Makarawu, Makanakaishe Charamba; vatihwini Denilson Cyprianos na Paige van Der Westhuizen uye Stephen Cox anoita zveRowing.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG