Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, VaNjowa, Vofadzwa neKuve muChirongwa cheYALI Chakapetwa muWashington DC


Joseph Njowa -YALI Fellow
Joseph Njowa -YALI Fellow

Muzinda weAmerica muZimbabwe neMugovera wakatambira vamwe vevechidiki vaive muchikwata chevechidiki makumi mana nevaviri vakatanga kudzoka kumusha vachibvakuAmerica ungo vanga vari muchirongwa cheMandela Washington Fellowship for Young African Leaders (YALI) cha 2024.

Mumashoko awakaburitsa svondo rapera padandemutande reX iro raimbonzi Twitter, muzinda uyu wakati chirongwa ichi chacherechedza makore gumi chaumbwa uye mumakore gumi aya chakwanisa kukwenenzvera ruzivo rwevechidiki vanodarika zviuru zvitanhatu vakabva munyika demuAfrica.

Chirongwa chegore rino chakapetwa nemusi weChitatu muWashington DC umo makasangana vechidiki ava, avo vainge vari mumatunhu eAmerica akasiyana siyana.

Mumwe akange ari muchirongwa ichi ndiVaJoseph Njowa, avo vanorwira kodzero dzevanhu munyaya dzehutano vachishanda nesangano rePangaea Zimbabwe, iro rinoshanda munyika dzinosanganisira Malawi neTanzania.

VaNjowa ndemumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvinosanganisa varume nemadzimai vanobva mumapoka akasiyanasiyana munharaunda dzakasiyanasiyana munyika zvange zviri muchirongwa ichi.

Joseph Njowa - YALI Fellow
Joseph Njowa - YALI Fellow

"Takadzidza zvakawanda uye tichanopakurirawo vamwe zvidzidzo zvatakawana muno muAmerica patinodzokera kumusha nhasi," VaNjowa vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG