Accessibility links

Breaking News

Vanofungidzirwa Kuti Vasori Vanosunga Varwiri veKodzero dzeVanhu Vana muHarare


Munyori weARTUZ, VaRobson Chere ndemumwe wevasungwa.
Munyori weARTUZ, VaRobson Chere ndemumwe wevasungwa.

Vanofungidzirwa kuti vasori vanonzi vasunga varwiri vekodzero dzevanhu vana muHarare vanoti munyori wesangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaRobson Chere, VaSamuel Gwenzi vanove kanzura veWard 5 muHarare, Muzvare Namatai Kwekweza, naVaVusimuzi Moyo.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti varwiri vekodzero dzevanhu ava vatorwa kubva mundenge panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport uye riri kushushikana nekusaziva kuti varipi.

Vana ava vanonzi vanga vachida kuenda kumusangano we 5th African Philanthropy Conference uri kutungamirwa neTrust Africa uri kuitirwa kuVictoria Falls kutanga neChipiri.

Mutauriri wemapurisa nyika yose, Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vanzwa nezvechiitiko ichi.

Asi mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti hurumende yave kungotya kana nemutsindo webete sezvo ichiziva kuti ine katurikwa.

Vanoti hurumende haina kugadzikana kubva zvaitwa sarudzo dzegore rapera, idzo dzinonzi nemamwe masangano anoongorora sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka, vanopikisa pamwe nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu vachitiwo dzakabiridzirwa zvemhando yepamusorosoro.

VaMasaraure vati magweta avo ari mushishi kuedza kuti vazive kune vana ava uye vakavachengeta muhusungwa vavaburitse kuitira kuti vamiswe pamberi pematare edzimhosva kana vaine mhosva dzavari kupomerwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG