Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshora Vekunze Pamusangano weSADC


VaEmmerson Mnangagwa t
VaEmmerson Mnangagwa t

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vashora zvikuru nyika dzakabudirira dzavari kupomera mhosva yekupindira mune zvematongerwo enyika muAfrica. Vataura mashoko aya vachiparura zviri pamutemo musangano wekutengeserana we7th Sadc Industrialization Week Investment Conference muHarare International Conference Centre nhasi.

VaMnangagwa vashoropodza nyika dzekunze dzinoda kupindira munyaya dzenyika dziri muSADC, pamwechete nemasangano anokweretesa mari kunyika dzepasi rese.

VaMnangagwa vati, “Tiri kuona kuti vaya vatakakunda kuhondo yerusununguko vave kuda kudzoka vachida kurwisa hupfumi hwedu."

Vaenderera mberi vachiti, Naizvozvo tinofanira kuramba takachenjera. Kozotiwo, nyika dzemuAfrica hadziwaniswi mukana wakaenzana nedzimwe, mukuwanawo mari yezvikwereti, asi izvi ngazvisatidzosera kumashure. Ngatitarisei kuti chii chatiinacho, toshandisa zviwanikwa zvedu kuzvipundutsa.”

Asi mabhanga anokweretesa mari akaita seWorld Bannk neInternational Monetary Fund anoti chiri kupa kuti Zimbabwe isakwereteswe mari inyaya yekusadzora zvikwereti.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti Zimbabwe ine chikwreti chemari inodarika mabhiriyoni makumi maviri kana kuti US$20,5 billion munyika nekunze.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vati zvakakosha kubhadhara zvikwereti.

Vachitaura panyaya yemabhizimisi, VaMnangagwa vati hazvigoni kuti nyika dzemuSADC dzirambe dzichisarira kumashure munyaya dzezvehupfumi, nekuti dzine zviwanikwa zvose zvinodiwa kuti kana dunhu ripi zvaro ribudirire. Vati, “Hazvigoni kuti nyika dzedu, dzakapfuma kudai, uye dzine vechidiki vakawanda vane njere dzakapinza, dzirambe dzichirasikirwa nemari zhinji, nekuda kwekuti hatina maindasitiri anokwanisa kugadzira zvinhu zvichipera." Vatiwo, "Naizvozvo, panoda kuti tibatirane pamwechete- vehurumende, nevemakambani - kuti tisimudzire mashandiro arikuita maindasitiri edu.”

Munyori mukuru webazi rinoona nezvekufambiswa kwezvirongwa mugungano reSADC, VaElias Magosi, vatsinhirawo kuti pasina kuvandudza maitiro emaindasitiri, zvakafanana nekuti nyika dziri muSADC dziri kufamba nenhendeshure.

VaMagosi vati, “Kana tichirevesa kuti tinoda kubudirira mukusimbaradza maindasitiri edu, ngatigadzirei mitemo yakasimba yekuita izvi. " Vaenderera mberi vachiti, "Kwete mitemo zinyeke-nyeke, asi mitemo ine hudzamu. Kana yavepo, tochiitevedzera nemazvo. Kuva nemutemo nekutaura nezvayo chete hakukwani, asi kutevedzerwa kwawo ndiko kwakakosha.”

Nyika dzemuSADC dzinonzi dzinorasikirwa nemari ingangosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana (60%), pese padzinotengesa zviwanikwa zvadzo zvisina kukwenenzverwa, dambudziko rinonzi negungano iri, rinofanira kupedzwa.

Mukuru wesangano rinomirira mabhizimusi madiki neari pakati nepakati, reSMEs Expo, VaDelight Makotose, vaudza Studio 7 kuti shungu dzekuti vashandisewo michina yechizvino-zvino dziripo, asi dzimwe nguva homwe ndiyo inoita diki.

VaMakotose vati, “Hurumende inofanirawo kuona kuti vana vari kuedza nepavanogona kusimudzira nyika kubudikidza nemishando yavo, asi panozorema paya, inofanirawo kupindira."

Vatiwo, " Zvingabatsira vakakwanisa kumira nemabhizimusi madiki paanoda kunokwereta mari paya. Asi tiri ipapo, dziriko dzimwe nzira zhinji dzinogona kushandiswa kuwana mari yekusimudzira mabhizimusi, dzinofanira kutevedzwa naanamuzvinabhizimusi ava, kwete kungogara vachichema-chema.”

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute Doctor Prosper Chitambara vaudza Studio 7 kuti muono wekusimudzira maindasitiri wakanaka, asi unoda kutsigirwa zvakanyanya nehurumende. Doctor Chitambara vati, “Kana tikatambira maitirwo emabhizimusi emazuvano nekuda kwemichina yechimanje-manje, z

vinobatsira kudzikisa mutengo wekuita mabhizimusi." Vatizve, " Kozitiwo, zvakakoshawo kuti hurumende dzigadzirise mitemo yemuno inosimbaradza mabhizimusi kuti akwanise kukwikwidzawo mudunhu redu- yakafanana nekuti vakwanise kuwanawo mari dzekukwereta dzisinganyanyi kudhura, uyewo kuderedza mitero inobhadharwa nemabhizimusi aya.”

Nyanzvi inowongorora nyaya dzezvehupfumi hwenyika, uye vari mukuru wekambani yeFinx Zimbabwe, Muzvare Hapiness Zengeni vati nyika dzemuSADC dzinofanira kubatana kana dzichida kubudirira.

“Nyika yeSouth Africa iri padanho repamberi nekuti maindasitiri awo ariwo pamberi. Nyika dzemuSADC dzinofanira kutarisawo maitirwo anoitwa zvehupfumi nenyika iyi, kwete kuda kuzoita sekunge vanovhairirwa. Ngavaisewo mitemo munyika dzavo inoita kuti dzibudirire.”

Musangano weSADC Industrialization Week uri kuitirwa muHarare, uri kufamba nedingindira rakanangana nekutsvaga nzira dzekusimudzira dunhu munuaua dzezvehupfumi kana kuti, “Promoting Innovation to Unlock Opportunities for Sustainable Economic Growth and Development Towards an Industrilized SADC”.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG