Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Hurumende neVemasangano Akazvimirira Vanoti Mapurisa Ari Kuita Basa Rawo Achiita Chizivano neMamwe Mapato


Mapurisa anonzi ari kutarisa kuti munhu abuda mumba maani achirambidza vanopikisa kuita misangano.
Mapurisa anonzi ari kutarisa kuti munhu abuda mumba maani achirambidza vanopikisa kuita misangano.

Vemapato anopikisa nemasangano akazvimirira vanoti mapurisa ari kuita basa rawo achiita chizivano nemamwe mapato nekune rumwe rutivi achisunga vanopikisa nemhosva dzisingasungirwe vatsigiri veZanu PF kana vachinge vadzipara.

Vanopikisa ava vanoti mapurisa ari kutarisa kuti wabuda mumba maani sezvo bato reZanu PF riri kubvumidzwa kuita misangano asi vanopikisa vachirambidzwa pamwe nekusungwa kana vakaungana.Vanopikisa vanoti mapurisa ari kubvumidza Zanu PF kuita misangano pamadiro.

Vanopikisa vanoti mapurisa ari kubvumidza Zanu PF kuita misangano pamadiro.
Vanopikisa vanoti mapurisa ari kubvumidza Zanu PF kuita misangano pamadiro.

Mutauriri wechimwe chikwata chebato reCitizen Coalition for Change VaPromise Mkwananzi vanoti mapurisa haana simba pamusoro pebato reZanu PF.

“Zvekuti Zanu Pf ndiyo inoita misangano yega tazviramba mapurisa anofanirwa kuona kuti munhu wese abvumidzwa kuita musangano kwete Zanu PF chete” VaMkwananzi vanotsanangura.

Izvi zvinotsigirwa remutauriri we Movement for Democratic Change inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora, VaChengetai Guta, vanoti ZANU PF inoita zvainoda pasina zvainoitwa vachiti zvinotyora kodzero dzemamwe mapato.

“Takanyorera kuita misangano katanhatu tichirambidzwa asi Zanu PF iri kuita misangano nyika yose” VaGuta vanotsinhira.

Asi mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti sebato vanotevedzera mutemo kuzivisa mapurisa vasati vaita misangano.

“Isu sebato reZanu PF tinotevedzera mitemo yemunyika nekuzivisa kana tichiita misangano yose yatinoita “ VaMarapira vanotsanangura divi ravo.

Nhengo dzeZanu PF kuChinhoyi.
Nhengo dzeZanu PF kuChinhoyi.

Mutauriri wemapurisa munyika yose Va Paul Nyathi vati mukuru wemapurisa mbune General Godwin Matanga vachazivisa vega kuti zviri kufamba uye vachataurawo pamusoro sei pamwechete nenyaya yekuchenesa maguta zvikuru Harare.

“Mukuru wemapurisa General Matanga vachazivisa nyika yose” VaNyathi vanozivisa.

Apo vemapato ezvematongerwo enyika vari kuchemachema nezviri kuitwa nemapurisa vanotengesa mumigwagwa vari kuchemawo kuti vari kubviswa mumigwagwa zvave kuwedzera nhamo sekutaura kwaAmai Marble Chenai vemuChinhoyi.

“Ngavatisiye tichitengesa, kwete kuti vatimhanyise tinoenda kupi hatinya zvekudya uye tinoda kubhadhara marendi “ Amai Chenai vanochemachema.

Mumwe akabviswa munzira maayitengesa zvekudya kuti aware raramo mumugwagwa mukuru unobva kuHarare uchienda kuChirundu, Amai Penilope Huchu vanoti hupenyu hwavaomera zvakanyanya sezvo vave kushaya mari yekutenga zvekudya nekubhadhara rendi.

Mapurisa anonzi ari kusungawo vanotengesera mumigwagwa.
Mapurisa anonzi ari kusungawo vanotengesera mumigwagwa.

Vaimbove mumiriri weMutasa Central mudare reparamende, VaDavid Tekeshe, vanoti vanotengesa vari kubviswa mumigwagwa munzvimbo dzakawanda.

Mukuru wesangano rinomiririra vanotengesa reVendors Initiative for Transformation VaSamuel Wadzai vanoti vanoshoropodza danho rekubvisa vanotengesa nekuda kwemusangano wemazuva maviri.

“Seboka tine nguva tichishoropodza danho rekubvisa vanotengesa nekuda kwemusangano wemazuva maviri chete, vanhu vanoda kurarama” VaWadzai vanotsanangura.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidzawo kuti madhorobha akawanda munyika azara nemapurisa anenge achingofambafamba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG