Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, vanokurudzira Kubatana Pamberi peMusangano weSADC


VaMnangagwa vataura mashoko aya kuHeroes' Acre pakuradzikwa kwaRetired General Makhethi Ndebele.
VaMnangagwa vataura mashoko aya kuHeroes' Acre pakuradzikwa kwaRetired General Makhethi Ndebele.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira kubatana kuitira runyararo munyika pamberi pemusangano mukuru wepagore we SADC Summit. VaMnangagwa vataura mashoko aya ku Heroes Acre vachiradzika gamba renyika Retired General Makhethi Ndebele.

Vachitaura kumarinda emagamba kuNational Heroes Acre nhasi mangwanani, VaMnangagwa vatsanangura mushakabvu semunhu akazvipira mukusunungura nyika uye aida nyika yake.

"Zvakauya kuburikidza nehushingi pamwe nechido chemagamba akaita samushakabvu vatiri kuchengeta nhasi. Mushakabvu aive munhu aneushingi uye anoda nyika yake," VaMnangagwa vadaro.

VaMnangagwa vashorawo nyika dzekumadokero vachiti dziri kukurudzira kusagadzikana munyika nenzira dzakasiyana siyana dzinosanganisira kusvibisa zita renyika vachiti dziri kutsigira nemari asi hadzisi kuzobudirira panguvai iyo hurumende iri kugadzirira musangano mukuru weSADC summit.

"Pane vamwe varikuita basa rekushanda nenyika dzekumadokero nechinangwa chekusvibisa zita renyika yedu. Asi zvinonyadzisa nekuti havasi kuzobudirira nekuti tirikushanda tichiita gadziriro yemusangano wedu weSADC summit."

Vachipindura mibvunzo kuvatori venhau, sachigaro wechikwata chevarwi vehondo yerusununguko, cheZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaChris Mutsvanga, vati vari kushanda nesimba kuti vose vakarwa hondo vawane hupenyu hwakanaka sezvo hurumende yaVaMnangagwa iri kugona kusimudzira hupfumi hwenyika.

"Tichaedza kuti vose magamba akwanise kuwana hupenyu hwakanaka nekuti parezvino VaMnangagwa varikugona uye taona kuti hupfumi hwenyika hwasimuka saka zvichatibatsira," VaMutsvangwa vanotsanangura.

VaMnangagwa vachisvika pamarinda eNational Heroes Acre.
VaMnangagwa vachisvika pamarinda eNational Heroes Acre.

Nyanzvi inoongorora nezvematongerwe enyika vachitungamira bato rinopikisa reDemocratic Party, VaWurayayi Zembe, vati kunyange vana veZimbabwe vakafira kuhondo yekusunungura nyika, muZimbabwe hamusati mave nerusununguko rweavo vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevanopikisa.

"Kutyorwa kwekodzero dzevanhu kunongotiratidza kwega kuti Zimbabwe haina kusununguka kunyangwe vana veZimbabwe vakaenda kundorwa hondo. Tirikuona kuti vanhu vakawanda vanorwira kodzero dzevanhu varikutyityidzirwa panoda kugadziriswa ipapo," VaZembe vanotsanangura.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reHeal Zimbabwe Trust, VaTapiwa Chiriga, vaudza Studio 7 kuti kusungwasungwa kuri kuitwa varwiri vekodzero dzevanhu munyika kunoratidza kuti hurumende haina hukama hwakanaka nezvizvarwa zvenyika.

"Kusungwa sungwa kwevanhu munyika pamberi pemusangano weSADC summit kunongotiratidza kuti hurumende haina hukama hwakanaka nevanhu ndosaka ichitya kuti zvimwe vangazoratidzira," mashoko aVaChiriga.

Asi imwewo nyanzvi inoongorora nezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reAfrican Cause Trust, VaElton Ziki, vanoti masangano anoshanda akazvimirira ega ari kupindira munyaya dzezvematongerwe enyika.

Vachitaura neStudio 7, mutauriri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vanoti kumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu kunokonzerwa nekuti hurumende yaVaMnangagwa haina kugadzikana nekuti pachine gakava munyaya yesarudzo dzakaitwa munaNyamavhuvhu gore rapera.

"Hurumende yaVaMnangagwa inoziva yega uye inotya vanhu nekuti haina kugadzwa zviri pamutemo ndosaka muchiona isina kugadzikana," VaSiziba vanopa divi ravo.

Retired General Ndebele vakaberekwa musi wa 6 Chikumi muna 1942 mudunhu reMangwe. Vakapinda mune zvematongerwe enyika muna 1967 vachindorwa hondo yakazosunungura nyika.

Vakashaikira kumba kwavo kuCowdray Park muguta reBulawayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG