Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Kubvisa Vanotengesera muMigwagwa Kuchakanganisa Hupfumi hweNyika neRaramo yeVakawanda


Hurumende iri kubvisa vanotengesera mumigwagwa zviri kunze kwemutemo.
Hurumende iri kubvisa vanotengesera mumigwagwa zviri kunze kwemutemo.

Vanoongorora zvehupfumi munyika vanoti zviri kuitwa nehurumende nemakanzuru zvekudzinga vanotengesera mumigwagwa pamberi pemusangano weSADC uri kuitwa mwedzi uno zvinogona kukanganisa hupfumi hwenyika sezvo vanhu vakawanda muZimbabwe vave kurarama nekuzviitira mabasa emaoko.

Ukuwo, vanorarama nekutengesera mumigwagwa vanotiwo kubviswa kwavari kuita munzvimbo dzavanotengesera kuri kukanganisa raramo yavo zvakanyanya sezvo vasina dzimwe nzira dzekutsga nadzo cheuviri.

Vanotungamira rimwe sangano revanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation (VISET), VaSamuel Wadzai, avo vanoshanda vari muHarare, vanoti sesangano havasi kubvumirana nehurongwa huri kuitwa hwekuchenesa maguta nemadhorobha uhu.

"Hatingakurudziri kuchenesa maguta tichitadza kuchenesa matafura anopa chikafu, panounza pundutso kuvana veZimbabwe. Saka hatibvumirane nazvo isu seboka reVISET kuti vari kutengesa mumigwagwa vanobviswa nenzira dzakadaro," VaWadzai vanodaro.

Hurumende inonzi haisi kungobvisa vari kutengesera mumaguta chete, asi kuti kana vari kutengesera mumarutivi emigwagwa mikuru yemunyika, izvo zvinonzi nevamwe zviri kukanganisawo raramo yevarimi vekumaruwa vachishaya kwekutengesera.

Muzvare Debra Mukasa vanoshanda nesangano revanorarama nekutengesa vari muguta reBulawayo, reBulawayo Vendors and Traders Association, vanoti muguta mavo havana dambudziko riri kusangana nevamwe vanorarama nekutengesa iri sezvo vakaumba mubatanidzwa unosanganisa vanorarama nekutengesa pamwe nekanzuru uyo uri kushanda pamwe.

"Isusu seBulawayo tine Informal Sector Working Group yatinonzwisisana tichitaudza, tichitaura nakanzera kuti vaayidhendifaye ma places tichiisa ma vendors kuti atengese abhadhare mutero yavo zvakanaka vachitengesera panzvimbo inobvumirwa," Muzvare Mukasa vanotsanangura.

Mapurisa achisunga vanotengesera mumigwagwa muHarare.
Mapurisa achisunga vanotengesera mumigwagwa muHarare.

Imwe nhengo yerimwe sangano rinomirira vanorarama nekutengesa, reVendors for Economic Development, kana kuti Vendors 4 ED iri muHarare iyo yati inoda kungonzi VaChari, inoti naivovo nhengo dzavo hadzisi kusangana nedambudziko rekudzingwa mumigwagwa vachiti vari kutevera mutemo uye vari kutambira nzvimbo dzavari kunzi vaende kunoshandira.

"Isu takamirira Vendors For Economic Development ka, vanhu vari kufanira kuti vaende kunzvimbo dzakaiswa nekanzuru. Ndochinhu chakatikoshera ichocho. You go kukanzuru. Vanovhura land then mo applier mobva mawana pekushandira," Vanodaro VaChari.

Asi VaWadzai vanoti kunyange hazvo makanzura ari kuwanisa vanhu dzimwe nzvimbo dzekunoshandira, hadzina mvura nezvimbuzi, izvo zvinongoomesera vanotengesa ava zvichizovamanikidza kudzoka mukati memaguta.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kukanzuru yegutaa reHarare sezvo Meya Jacob mafume vanga vasati vapindura mubvunzo wedu watavatumira tisati taenda pamhepo.

Vanoongorora zvehupfumi vachishanda nesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti zviri kuitwa nemakanzuru pamwe nehurumende zvekubvisa vanotengesera mumigwagwa izvi zvinopa chimiro chenyika chakaipa.

"Chechipiri, zvinokanganisa vanhu vanozviraramirawo nekutengesa. Muno muZimbabwe hamuna mabasa. kana iwewe unotengesa wakanzi vhara chitoro chako, kana paunotengesera, kana kunzi tsvaga kumwe kwekunotengesera, uri kurambidzwa kuti uwane cheuviri. saka Zimbabwe yatiri kuratidza vanhu haisiyo Zimbabwe inoraramiwa nevanhu 13 million vari munyika pari zvino," VaKuchera vanotsanangura.

Hurumende iri kupomerwa mhosva yekuda kuchenesa maguta nemadhorobha pamberi pemusangano mukuru weSADC uyu asi isina kuita humwe hurongwa hwekuti isakanganisa mararamiro nemagariro everuzhinji.

Hurumende iri kupomerwawo mhosva yekutyora kodzero dzevanhu nekuda kwenzira yainonzi iri kushandisa inozni ine chisimba.

Gwaro rakaburitswa neInternational Labour Organisation neUNESCO rinoratidza kuti zvikamu makumi masere kubva muzana zvevanhu muzimbabwe zvinorarama nekuzviitira mabasa emaoko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG