Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voramba Kurudziro yeZanu-PF Youth League Yekuti Varambire Pachigaro


Va Emmerson Mnangagwa
Va Emmerson Mnangagwa

Vechidiki mubato reZanu-PF nhasi vati vanoda kuti mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, varambe vari panyanga vachitungamirira nyika panopera temu yavo muna 2028.

Izvi zvabuda pamusangano wevechidiki veZanu PF waitirwa muHarare nhasi apo vabuda nechisungo chekuti VaMnangagwa varambe vari panyanga panopera temu yavo.

Danho revechediki iri riri kutsigirwawo nematunhu akawanda eZanu PF ayo ari kuda kuti VaManangagwa varambe vari pachigaro.

Asi vachitaura pamusangano uyu semunyarikani, VaMnmangagwa vati munhu wese munyika anofanirwa kutevedzera zviri mubumbiro remitemo yenyika.

VaMnangagwa vatorawo mukana uyu kutenda vechidiki basa ravanoitira bato reZanu PF pamwe nekushanda zvakasimba kwavakaita musarudzo dzakaitwa gore rapera.

Asi vachitaura neStudio 7 pamuzinda weZanu PF muHarare, sachigaro wekanzuru yavana sorojena muZanu PF, VaSydney Sekeramayi, vati hazviitwi nemunhu mumwe chete kuti VaMnangagwa varambevari pachigaro.

Mushandi mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vati ikodzero yevechidiki kutaura zvishuwo zvavo, vachiti ivo VaMnangagwa vakatotaura kare kuti vacharemekedza mutemo, nokudaro vachasiyava chigaro mugore ra2028.

ASi nyanzvi mukuongorora zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, VaWurayai Zembe, vashora zvikuru danho ratorwa nevechidiki veZanu PF.

Mumwe wevechidiki mubato reCitizens Coalition For Change, VaElvis Mugari, vati igaroziva kuti bato reZanu-PF rinozviita iro muridzi wenyika.

Studio7 yarambidzwa kupinda mumusangano wevechidiki veZanu PF\ pawatanga muHarare.

Chisungo chabuda nevechidiki ava chinotsigira zvisungo zvakabuda nematunhu ose eZanu PF munyika.

Asi vanoziva zviri kuitika muZanu PF vanoti hamuna kuwirirana mubato iri kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga sezvo paine chikwata chiri kutsigira kuti vamwe vapindewo panyanga panopera temu yaVaMnangagwa.

Vanoziva zviri kuitika muZanu PF vanoti pane kurwira simba kukuru kuri kuitika mubato iri, uye hazvishamise kuona VaMnangagwa vachibviswa pachigaro sezvakaitwa muchakabvu VaRobert Mugabe muna 2017. Asi Zanu PF inoti hamuna makakatanwa mubato iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG