Accessibility links

Breaking News

America Yokurudzira Hutongo hweJekerere Asi Vamwe Vanorwira Kodzero dzeVanhu Vachiti Nhasi Vange Vachida Kupambwa neVasori


Ambassador Pamela Marie Tremont
Ambassador Pamela Marie Tremont

Kusungwa nekuda kupambwa kwevanhu pamberi pemusangano weSADC uri kuitirwa muHarare kuri kuenderera mberi. Izvi zviri kuuya kunyangwe paine kurudziro kubva kunyika dzakaita seAmerica yekuti hutongo hwejekerere huremekedzwe kuitira kuti nyika ibudirire munyaya dzezvehupfumi.

Nhasi, mumiriri weAmerica muZimbabwe Ambassador Pamela Marie Tremont vaita musangano negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFredrick Shava vakati munyika munodawo masangano akazvimirira oga uye kutevedzerwa mutemo kuti muve nebudiriro. Asi kunyangwe pange pachiitwa musangano uyu,

KuBulawayo nhengo dzebato rinopikisa reMthwakazi Republic Party (MRP) makumi maviri dzasungwa padzange dzichitsvaira kuNguboyenja. Mahofisi esangano reZimbabwe National Students Union anonzi ambokombwawo nevanofungidzirwa kuti vasori.

Vanofungidzirwa kuti vasori ava vayedzawo kupamba vashandi vesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition muHarare. Hatina kukwanisa kubata mukuru wevcasori VaIsaac Moyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition VaMarvellous Kumalo vaudza Studio 7 kuti pahofisi pavo pauya vanhu vange vakazvivhara kumeso nemotokari isina number plate vakakonzera nyonga nyonga asi vakatiza paridzwa "alarm."

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi varamba kuti mapurisa ari kutarisa kuti wabuda mumba maani achisunga vanopikisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG