Vanhu vakawanda munyika vanoti vari kubatsirwa zvikuru nezvirongwa zviri kutsigirwa nemari yakabviswa nehurumende yeAmerica iyo iri kusimbaradza zvirongwa zvesangano rinobatsira nechikafu pasi rose re World Food Program (WFP).
Mumwe wevanhu vari kubatsirwa nezvirongwa izvi, ndaVaTenda Chitau, avo vanogara mumusha weDomboramwari kuEpworth uyo uri kumabvazuva kwakadziva kuchamhembe kweguta reHarare.
VaChita vanoti vaiomborarama nekupihwa chikafu panguva yenzara, asi pari zvino vave kuzvitengera chikafu zvichitevera chirongwa chekurima hohwa chavakatanga vachiwana rutsigiro kubva kuWFP ichitsigirwa nemari inobva kubazi reAmerica rinobatsira pasi rose, re United States Agency for International Aid, USAID.
“Zvatipa kuti tisashande tichitambudzika, vana vari kudya, isu topfeka, vana vaonoenda kuzvikoro vari kuenda.” VaChita vaudza Studio 7.
VaChitau vanotiwo kubva pachirongwa chavo chekurima nekutengesa howa, vakakwanisawo kutanga bhizimisi rekutengesa gasi rekubikisa pamwe nemusika wekutengesa muriwo nezvimwe.
Mumwe mugari wekwaJacha kuEpworth kwekare, VaGeorge Basikoro, vanoti havachatambira chikafu zvichitevera bhizimisi rekupfuya huku ravakatanga senzira yekuti mumba mavo musagare muine nzara. Vati, “Kubvira patakawana huku idzodzi kurarama kwedu kwashanduka zvekutoti vana kuchikoro tave kukwanisa kubhadhara uye kana chikafu pano apa tave kudyawo zvakanaka.”
Mudzimai wavo, Amai Nyarai Bhasikoro, vanotiwo zvange zvakawona kugara vachimira mumitsetse wekupihwa chikafu vachiti vakatokwanisa kuvhura takishopu kubva pachirongwa chekupfuya huku chavakatanga chichitsigirwa neUSAID. Amai Bhasikoro vati, “Kuri kutengesa huku hatisi kumboshaya vanotenga, kutakishop tikaona kuti zvinhu zvadzikiri mukando uriko tobva tanokwereta mari kumukando.” Vatiwo, “Izvezvi izvi ndakatonokwera US$250 zvekutoti mutakishopu mangu ndiri kutoona kuti tiri kutosimuka, mhuri yangu iri kudya zvainoda, iri kudyawo mazai chikafu chine hutano.”
Mutauriri weWFP muZimbabwe, VaChristopher Charamba, vanoti zvirongwa zvavo zvekuti vanhu vazviritire zviri kubatsira chaizvo zvekuti vakwanda munyika vave kukwanisa kuzvitengera chikafu.
Vanoti shuviro yavo ndeyekuti varambe vachiwana rutsigiro rwemari inobva kuUSAID kuitira kuti vabatsire vakawanda munyika yese. “Vamwe vaitadza kuwana mari yekutenga chikafu mumba iye zvino vave kuwana chikafu chekuti vakwanise kudya katatu pazuva vane vari kuendawo kuchikoro saka isus seWorld Food Program tinoona kuti zvirongwa zviri kushanda.” VaCharamba vaudza Studio 7.
Muna Ndira, USAID yakapa WFP, mar inodarika mamiriyoni gumi nerimwe emadhora ekuAmerica yekupa vanhu chikafu mumatunhu mana kubva muna Ndira kusvika muna Kurume.
Mari iyi yakauya pamusoro peimwe mari inodarika mamiriyoni makumi maviri nemana emadhora yainge yatopihwa kuZimbabwe neUSAID.
Mumiriri weAmerica mutsva muZimbabwe, Amai Pamela M Tremont, vanoti nyika yavo yakazvipira kuramba ichibatsira Zimbabwe uye gore rino iri kuwedzera rubatsiro panyaya dzechikafu. Amai Tremont vati, “Mari iyi kusanganisira, 39 miriyoni yatawedzera ichabatsira panguva ino yenzara uye kuti pave nenzira dzekurima dzinoita kuti vanhu vawane chikafu chinokwana.”
Nyanzvi munyaya dzechikafu dzinoti vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vanoda rubatsiro muZimbabwe kusvika mumwaka wekukohwa gore rinouya.
Dzinotiwo dambudziko rechikafu riri kuwedzerwa nekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze, zvekuti nyika dzakawanda kuchamhembe kwe Africa dzakatarisana nedambudziko iri.
Kunze kwekupa vanhu chikafu, masangano eUSAID neWFP anotsigirawo zvirongwa zvekurima mbeu dzinokurumidza kuibva mumwaka yekushaya mvura yakakwana, kuchengeta huku, tsuro nekurima muriwo nehowa.
Nyanzvi munyaya dzebudiriro vachishanda nesangano reAction Aid, VaJoy Mabenge, vanoti rubatsiro rweAmerica rwakakosha nekuti runoita kuti vanhu vawane chikafu panguva ino yenzara.
“Kupemha nekubatsirwa zvinotoita kuti vazhinji vange vari parumananzombe.” VaMabenge vaudza Studio 7. Vaenderera mberi vachiti, “Vazhinji vanenge vasingakwanisa kuwana chikafu chinovakwanira vange vachibatsirwa naivava vanaAmerica, naivava vanaBritain neWFP nevemakareke, zvikasatoitika izvozvo zvokwadi vanhu vanofa nenzara”
Mumwe mushandi mukuru mubazi bazi rekuchengetwa zvakanaka kwevanhu, VaClifford Matorera, vanoti hurumende inotenda rubatsiro kubva kunyika nemasangano ekunze.
Kubva muna 1980, America yapa Zimbabwe rubatsiro runokosha mabhiriyoni mashanu emadhora (US$5 billion) munyaya dzehutano, dzidzo, budiriro uye mari inodarika mabhiriyoni maviri emari iyi yakashandiswa pakuwanisa vanhu chikafu.
Zimbabwe yakatarisana nenzara inotyisa iyo yakonzerwa nekusandukwa kwemamiriro ekunze uye mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatoisa chikumbiro chemari inoita mabhiriyoni matatu nezviuru mazana matatu zvemadhora (US$3.3billion) kunyika dzekunze, makambani, vanhu pamwe nemasangano anopa rubatsirro kuitira kuti Zimbabwe ikwanise kutenga chikafu kuitira kuti vanhu vasafe nenzara.
Forum