Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti muNyika Moita seMune Hondo Hurumende Ichiti Iri kuGadzirira Musangano weSADC


Hurumende inonzi yakaisa mauto nemapurisa mumisha inogara veruzhinji.
Hurumende inonzi yakaisa mauto nemapurisa mumisha inogara veruzhinji.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti hurumende iri kutowedzera kumbunyikidza nekutyora kodzero dzevanhu kuburikidza nekuramba ichisunga vanopikisa, vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevanhuwo zvavo uye kuisa mauto mumigwagwa sezvinonzi nyika iri kugadzirira hondo.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo hurumende ichinzi yaisa mauto nemapurisa mumisha inogara veruzhinji nemumaguta nemadhorobha anosanganisira Chinhoyi, Chitungwiza, Harare neMutare, izvo zvinonzi nevamwe zviri kuisa kutya mune veruzhinji uye kuratidza sekunge iyo hurumende iri mukutyawo.

Vanofungidzirwa kuti vasori vanonziwo vari kushanyira nekutyisidzira uye kutsvaga vamwe vavanofungidzira kuti vangangotungamira kuratidzira kunonzi nehurumende kuri kurongwa kuitwa nevamwe vanopikisa munguva yemusangano weSADC.

Asi bepanhau reNewsDay rati mutauriri wemapurisa nyika yose Commissioner Paul Nyathi vakati hapana chitsva pakuiswa kwemapurisa mune dzimwe nzvimbo sezvo agara achichengetedza runyararo vachiti anogona kutowedzerwa kana zvichionekwa sezvakakodzera.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo vanopikisa hurumende vanosanganisira nhengo dzeCCC nedzeMthwakazi Republican Party pamwe nevemasangano akazvimirira vanoda kusvika kumazana maviri vari muhusungwa mushure mekusungwa nefungidziro yekuti vangangoronga kuratidzira vachikanganisa musangano weSADC uyu.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTawanda Dzvokora, vanoti zviri kuitwa nehurumende zvinoratidza kuti yatove muhondo nevana vayo.

VaDzvokora vanoti zviri kuitika izvi zvinoita sekunge hurumende pamwe nebato reZanu PF vane katurikwa vachiti nyika inogadzirira kutambira vaenzi haizvinyadzisi sezviri kuitwa neZimbabwe izvi.

Vanoti chiri kushamisa ndechekuti hurumende yave kungoita hwegondo rapotsa nhiyo rinotakura chero nemarara vachiti vazhinji vevari kusungwa ava vari kupomerwa mhosva dzavanonzi vakapara kare dzisineyi nekuronga kuratidzira kuri kutaurwa nehurumende.

VaDzvokora vanoti hazvishamise kuona vamwe vatungamiri vemuSADC vachirega kuenda kumusangano uyu senzira yekunyunyuta nekushungurudzwa kwavanoti kuri kuitwa vanhu nehurumende, uye vanoti vana veZimbabwe vachaonawo kuti vatungamiri ava varega kuenda.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti pane humbowo hwakakura kwazvo hwekuti vanopikisa vari kuronga kuratidzira vachida kukanganisa musangano wakakosha weSADC uyu.

Pane vari kusungwa vachipomerwa mhosva dzakare, Doctor Mavaza vanoti mhosva hairovi, vachiti vanhu ava vaitiza mapurisa saka vakazowanikwa nekudaro mutemo unofanirwa kuvaranga.

Doctor Mavaza vanoti zviroto chete zvekufunga kuti kune vamwe vatungamiri vacharega kuenda kumusangano uyu, vachiti nyika dzakawanda muAfrica dziri kutarisana nekuratidzira kuri kuparadza zvinhu, nekudar hurumende haingapeti maoko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG