Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanoti Vanoda maGakava Matatu Asi Amai Harris Vanoti Parizvino Pakabvumiranwa Rimwe Chete


Amai Kamala Harris naVaDonald Trump
Amai Kamala Harris naVaDonald Trump

Vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris vati vachaita gakava musi wa 10 Gunyana riri kukokerwa nenhepfenyuro yeABC News.

VaTrump vazivisa nezvekuda kwavo kupinda mugakava iri musi wa 10 Gunyana vari kuFlorida kumba zvavo.

Vaudzawo vatori venhau kuti vanoda kuita magakava matatu naAmai Harris sarudzo yemutungamiri wenyika isati yaitwa muna Mbudzi.

Asi Amai Harris avo vari kutsvaga rutsigiro kuMichigan neArizona nhasi vaudza vatori venhau kuti parizvino pane gakava rimwe chete rakabvumiranwa.

Amai Harris vari kutsvaga rutsigiro vari pamwe chete nagavhuna Tim Walz vanova mutevedzeri wavo.

Mutevedzeri waVaTrump VaJ.D Vance vange vachifanira kuita misangano kuNorth Carolina asi vazoikanzura nekuda kwemafashamu emvura nedutumupengo remhepo kana kuti "Tropical Cyclone Debby."

Amai Harris naVaWalz vange vachifanirawo kuendawo kuNorth Carolina asi vakati vainge vasisaendewo nekuda kwemafashamu aya.

Forum

XS
SM
MD
LG