Accessibility links

Breaking News

Nyika Dzekunze, Machechi, neVanorwira Kodzero dzeVanhu Voshora Hurumende yaVaMnangagwa neKumbunyikidza Kodzero dzeVanhu


Kunyangwe nyika dzekunze nemasangano anorwira kodzero dzevanhu ari kushora tsika yekupambwa, kuitwa kafiramberi nekusungwa kwevanopikisa, vasori nemapurisa vari kuenderera mberi vachiita izvi pamberi pemusangano weSADC uri kuitirwa muHarare.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu pasi rose anoti reAmnesty International neHuman Rights Watch aburitsa mashoko kubvatori venhau achiti vanhu zana nemakumi matanhatu vasungwa kutanga musi wa 16 mwedzi wapera. Akurudzira hurumende kuti isungunure vanhu ava.

Vatiwo SADC inofanira kuudza Zimbabwe kuti imire nyaya yekumbunyikidza kodzero dzevanhu pamberi pemusangano wayo uri kuitirwa munyika. Zvichakadaro, muzinda weAmerica muZimbabwe watiwo unowirirana nemashoko enhumwa yeUnited Nations munyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanorwira kodzero dzevanhu kana kuti Human Rights Defenders Amai Mary Lawlor ekuti kodzero dzavo uye dzekupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso dziremekedzwe.

Nyika dzakaita seBritain nedziri mugungano reEuropean Union dzkakashorawo nyaya yekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Zimbabwe Catholic Bishops Conference yaburitsawo mashoko ichiti iri kushushukana nemamiriro akaita zvinhu munyika. Vati zvinosuwisa kuti vanhu vari kumbunyikidzirwa kodzero dzavo kusanganisira yekuratidzira iri mubumbiro remitemo.

Mabishopu aya ati ari kunetseka nekupambwa uye kuitwa kwevanhu kafiramberi senzira yekuti vasataure nhuna dzavo.

Vakurudzirawo vanhu kuti vaite zvinhu murunyararo. Vanorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reSouthern African Liaison Office VaMunjodzi Mutandiri vati hurumende iri kutyora bumbiro remitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera tabata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi varamba kuti vari kumbunyikidza vanbhu vachiti pane vanoda kukonzera kusagadzikana nguva dzose dzinenge dzichiitwa musangano mukuru.

Forum

XS
SM
MD
LG