Accessibility links

Breaking News

Vana Votambura Kuwana Zvekudya KuMudzi Vamwe Vachipona neMichero yeMusango


Vamwe vaberi vave kumanikidzwa kupa vana vavo michero yemusango nekuda kwekupfunya rusero kwaita nzara mudunhu reMudzi, kuMashonaland East ichibata zvakanyanya vana vadiki

Vamwe vanamai vave kupa vana michero yemisango yakaita semasau nemauyu kuti vararame.

Muzvare Susan Nyongano mugari wemubhuku rasabhuku Kurima mudunhu reMudzi avo vane vana vana vati kushaya chikafu kwave kupa kuti vararamise vana vavo nehwakumukwaku.

“Nzara yakatiomera zvikuru. Vana varikushaya chekudya. Tirikuraramisa vana nemasawu kana kuti mauyu,” vakadaro Muzvare Nyongano.

Mudzimai waSabhuku Nyson Kurima, Amai Sithela Kanhimba avo vakataura vakamirira murume wavo akanga asipo, vakati naivowo vavakutotakura mitoro yevazhinji vanounza vana vavo kuti vazowana zvekudya pamusha pavo.

“Mudunhu redu rino iri, nzara chinhu chakaoma nokuti vanhu vazhinji vanotouya kwasabhuku vachichema chema nzara. Zvino sasabhuku chikafu chaicho chirikutonetsa, hakuna chikafu,” vakadaro Amai Kanhimba.

Muzvare Susan Mafigu avo vanogarawo mubhuku raSabhuku Kurima vakati nekuda kwenzara vavakudya kamwe chete manheru vosiira zvimwe vana.

Mumwe mugari wemumusha uyu Amai Naome Munyonga, vati nekuda kwenzara chava kuponesa vana ibota ravari kubikirwa munharaunda umu.

Kanzura muWard 17 kuMudzi, VaKingston Shero vati chavanongokumbira chete rubatsiro rwekuti vapedze dambudziko renzara radzika mudzi munharaunda yavo.

“Dai takwanisa kubatsirwa panyaya yechekudya nokuti isu sevatungamiri munongoziva kutungamira munhu anenzara, munhu anogona kuita hasha asi dzisiri hasha. Inzara irikukonzeresa,” vakadaro kanzura Shero.

Vanoshanda vari muhofisi yezvekudya kunovaka muviri kana kuti Nutrition Officer musangano reUNICEF, Muzvare Progress Katete vati sangano ravo riri kubatsira chose nezivo kunavana amai vemudunhu reMudzi kuti vape vana zvinovaka muviri kunyangwe kuine nzara.

“UNICEF irikutsigira hurumende yeZimbabwe nekudzidzisa vana amai kuti vashandise zvikafu zvinowanikwa munharaunda dzavo,” vakadaro Muzvare Katete.

Vachitaura vakamirira hurumende uye vari ivo mukuru munyaya dzezvehutano mudunhu reMudzi VaKudzai Madamombe vanoti bazi rezvehutano riri kuyedzawo neparinogona kubatsira vana.

Chiremba Dr Simbiso Ranga vanoti vana vakasawana zvekudya zvinovaka muviri vanogona kutadza kukura zvakanaka.

UNICEF yakatoisa chikumbiro chemari inodarika mamiriyoni makumi masere nemana kana kuti 84, 9 million US dollars. Mari iyi yakanangana nekubatsira vanhu vanodarika miriyoni imwe chete kana kuti 1,34 million kusanganisira vana zviuru mazana masere nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 866,000.

Kushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti El Nino kwakakonzera kusanaya zvakanaka kwemvura zvapa kuti vanhu vemuZimbabwe mamiriyoni mapfumbamwe vatarisane.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG