Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoita zveMitambo Vorambidzwa Kana Kutya Kushanda Pamberi peGungano reSADC


Vamwe vanoita zvemitambo vari kupomera mapurisa mhosva yekuvarambidza kuita mabasa avo pamberi pemusangano weSADC uri kuitirwa muHarare. Hurumende yasunga vanhu vanodarika zana nemakumi matanhatu pamberi pemusangano uyu nekutyira kuti vanogona kuratidzira.

Asi mapurisa ari kuti hapana ari kurambidzwa kuita magungano kunyangwe ari iwo ari kupomerwa mhosva yekusunga vanenge vaita gungano.

Mumwe muimbi wemusambo weMbira anogara muHarare ada kuzikanwa nezita rekuti Gwenyambira akambomiswa kuita gungano rekuparura dambarefu rake kana kuti album launch pane imwe nzvimbo inoitirwa zvemitambo muguta guru svondo rapfuura anoti achazozivisa nezvemazuva ehurongwa hwake munguva inotevera. Ati, "Tine hurombo nekukanzurwa kweshowa yedu asi tichazozivisa nezvemazuva atichazoiita munguva pfupi inotevera."

Vamwe vakakanzura mashowa avo svondo rino vanosanganisira muimbi Hope Masike uyo ange akatarisirwa kuimba musi weChina panzvimbo yeAlliance Francaise. Hope haana kuda kupa chikonzero chaita kuti ambomira kufadza veruzhinji.

Nyanzvi yezvemitambo vachishanda nesangano reVaviri Creative Muzvare Theresa Muchemwa vanoti kukanzurwa kwemashowa kunokanganisa hukama pakati pevatambi nevatsigiri vavo uye vanenge vashandisa mari mugadziriro. Vati, "Tinenge tatora nguva yakawanda tichishambadzira nezvemashowa edu kuti vatsigiri vedu vazive.” Vaenderera mberi vachiti, “Saka tikazokanzura manje zvinotikuvadzira hukama hwedu nevatsigiri vedu mushure mekunge tarasikirwa nemari zhinji zvekare"

Asi mutambi ane mukurumbira achitungamira sangano reRooftop Promotions Daves Guzha audza Studio 7 kuti zvakakosha kuti veruzhinji muchikamu ichi vaenderere mberi nemabasa avo akati mitambo yavo yose yavari kuita panzvimbo yeTheatre in the Park muHarare haisati yambomiswa pari zvino.

Guzha ati, "Hatina kumbobvira tambomiswa kana kumbunyikidzwa pazvirongwa zvedu uye isusu basa redu nderekuratidza mitambo nezvimwe zvirongwa zvakawanda.” Vatiwo, “Asi tinongonzwa vamwe vachichemachema kunyangwe tisina kumbozvionawo kwedu"

Vanoongorora nezvematongerwe enyika vachishanda nebato rinopikisa rePeople's Unity Party VaHebert Chamuka vanoti zvinoshamisa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutadza kugadzikana nekuda kwegadziriro yemusangano weSADC sezvinonzi ndiko kekutanga kuitirwa munyika.

"Zvinotishamisa nekuti kunyangwe VaMugabe vakatombogadzwa chigaro ichi neSADC asi havana kumbobvira vanyanya kushungurudza vanhu sezvirikuita hurumende iripo" VaHebert Chamuka vaudza Studio 7.

Vachitaura neStudio 7, mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police Commissioner Paul Nyathi vati vanoita zvemitambo havarambidzwe kuita magungano avo asi vanokurudzirwa kutevedzera mutemo. Commissioner Nytahi vati, "Hapana munhu anorambidzwa kuita gungano rake asi tinokurudzira kuti patevedzerwe mutemo nekuti nyika dzose dzine mutemo."

Mukuru weNational Arts Council of Zimbabwe VaNapoleon Nyanhi vaudza Studio 7 kuti vari kuita ongororo yekuona kuti avo vari kukanzura magungano avo vari kuita izvi nekuda kwavo here kana kuti pane zvinoda kugadziriswa. Vati, "Parezvino tichiri kuita tsvakiridzo yekuona kuti varikuti varikukanzura mashowa avo varikuita izvi nechido chavo here kana kuti.” Vaenderera mberi vachiti, “Ndokuti tizokwanisawo kuwana nzira yakakodzera yekuraira veruzhinji munezvemitambo."

Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika Amai Barbra Rwodzi vari kuti havo vanoita zvemitambo vanofanira kutora mukana weSADC kushambadzira Zimbabwe.

Asi vamwe vanoti vaimbi vashoma ndivo vari kupihwa mukana uyu sezvo muHarare moita kunge maberekera ingwe kunyanya kune vanofungidzirwa kuti vanoshora hurumende. Zimbabwe yagara iine nhoroondo yekushungurudza vaimbi vanofungidzirwa kuti havaimbe zvekupembedza hurumende vakaita saThomas Mapfumo naWinky D.

Nekuda kwekupinzwa kwemapurisa, mauto nevasori mumigwagwa vamwe vanhu vave kutyawo kuenda kunzvimbo dzemafaro kana kufamba husiku. Pasina kupa humbowo, hurumende inoti pane vari kuda kukanganisa musangano weSADC uyu.

Asi zvekupamba vanhu, kuvaita kafiramberi nekuvasunga uye kuvanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso zviri kushorwa zvikuru nevanorwira kodzero dzevanhu pamwe nenhumwa dzeUnited Nations. Vatungamiri venyika dzeSADC vari kutarisirwa munyika musi wa 17 Nyamavhuvhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG