Chikwata cheZimbabwe chevamhanyi vakaremara chinoti chiri kupihwa manyukunyuku nevamhanyi vakamirira Zimbabwe kuma Olympic egore rino vanoti Tapiwa Makarau naMakanaka Charamba, apo chiri kuendawo kuFrance, kunokwikwidza mumakundano e2024 Paralympic Games ari kutanga musi wa 28 mwedzi uno.
Murairidzi wevamhanyi ava Elliot Mujaji anoti ari kuudza chikwata chake kuti vchinofanira kutevera tsoka dzaCharamba naMakarau, avo vakaita mukurumbira mushure mekunge vapinda mufainari yemujaho we200 metres kumaOlympic Games, ayo ari kupera manheru ano muParis, France.
"Vana vedu varikuenda kunokwikwidzawo, toda kuvapa encouragement yekuti vanotamba zvakanaka," adaro Mujaji.
Makarau naCharamba vakasimudzira zita renyika pamwe nemazita avo apo vakaita vamwe vevamhanyi vasere vakapinda mufainari yemujaho uyu, izvo zvakafadza nyika yese.
Kunyange hazvo vasina kuzowana menduru, nhengo yeNational Athletics Association of Zimbabwe, VaPartson Muderedzi, vanoti vamhanyi ava vakasimudza mureza wenyika nepavakasvika apa.
"Vakomana vedu Charamba naMakarau internationally vakatiisa pamap izvo zvinofadza chose. Is sevatungamiri vesangano rekumhanya tinonzwa kufara pamwe nenyika yese," adaro Muderedzi.
Mujaji anoti vamhanyi vake Tinotenda Bango naKudakwashe Chigwedere, avo vachamhanya 100 metres, vari kutarisirawo kusvika mufainari uyezve gadziriro iri kuenderera mberi.
"Vatambi varikugadzirira zvakanaka. Tirikuenda kunokwikwidza kwete kunowedzera vatambi," anowedzera Mujaji.
Muderedzi anoti Zimbabwe haifanire kudzokera shure asi kudarika pakasvikwa naCharamba naMakarau mune ramangwana rayo.
"Hatichafanire kudzokera shure asi kuenderera mberi kuti tidarike patasvika apa. Panodiwa gadziriro yakasimba inodiwa kuti tidarike apa. Kana hurumende ndinofunga, yaita manyuku-nyuku kuti ibatsire mitambo," anodaro Muderedzi.
Asi Mujaji anoti Charamba naMakarawu vakasimudzirwa hunyanzvi hwavo vari kuAmereka uko kune zvikwanisiro, achiti Zimbabwe haina zvekushandisa nedzinhandare zvakakodzera izvo zvinofanira kugadziriswa.
Chikwata cheZimbabwe chiri kusimuka musi wa 23 Nyamavhuvhu kuenda kumakundano eParalympic Games aya, ayo anozopera musi wa 8 Gunyana.
Mumhanyi weZimbabwe wemujaho murefu kana kuti marathon, Rutendo Nyahora, agumira munzira murwendo rwake asi neMugovera, Isaac Mpofu akapedza ari pachinzvimbo chegumi nepfumbamwe mumakundano mamwechetewo.
Totarisa nhabvu. Mitambo yeCastle Lager PSL yatambwa munyika neSvondo yapera seizvi.. Manica 0 Herentals 0, Hwange 0 Chegutu 0 kuchitiwo Highlanders 1 Ngezi Platinum 1,
Mitambo yakatambwa neMugovera yakaperawo seizvi..
Yadah 1 TelOne 3, Green Fuel 0 Chicken Inn 0, ZPC Kariba 0 CAPS United 1, FC Platinum 3 Arenel Movers 1, Bulawayo Chiefs 1 Bikita 0, kuchitiwo Dynamos 1 Simba Bhora 1.
Pari zvino, zvikwata zvina zviri pamusorosoro ndezvinoti FC Platinum 45 points Simba Bhora 44 points Ngezi Platinum 39 points Highlanders 38 points
Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvinoti TelOne 24 Chegutu 20 Arenel 18 Hwange 18.
Forum