Sangano reConcerned Citizens of Zimbabwe razivisa kuti riri kuronga kuratidzira nyika yose musi wa 17 mwedzi uno, rinove ndiro zuva richatanga musangano weSADC muHarare. Mutauriri wesangano iri mudunhu reMashonaland West, VaWilson Makanyaire, vanoti zvikonzero zviviri zvikuru zvaita kuti varonge kuratidzira inyaya yekusungwa kuri kuramba kuchiitwa vanhu munyika, kodzero dzavo dzichiramba dzichityorwa.
“Kusungwa kwaVaTimba, kusungwa kwevanhu vekuKariba, kusungwa kwavanaChere, tiri kunyunyuta pamusoro pazvo. Hugaro hwemuZimbabwe hahuchina kumira zvakanaka. Ndochinhu chekutanga chatiri kunyunyuta nachokuti matare akepichiwa. Vanhu vekumatare vaakutonga mhosva vachitarisa kuti unobva mumba maani,” VaMakanyaire vanotsanangura.
Vanoti Chimwe chepiri chavari kunyunyuta nacho ndechekuti SADC yakataura pachena kuti sarudzo dzemunyika dzakaitwa gore rapera hadzina kufambiswa zvakanaka asi vave kushamisika kuti sangano iri rave kuenda zvakare kunopepedza nyika iyoyo yavakati yakanga isina kufambisa sarudzo zvakanaka.
VaMakanyaire vanoti vakatozivisa kare mapurisa pamusoro pehurongwa hwavo hwekuratidzira uhu.
Musangano weSADC uyu uri kuitirwa muHarare kwemazuva maviri musi wa 17 na 18 Nyamavhuvhu, uye mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndipo pavachabva vatambidzwa chigaro chehusachigaro icho chave kuuya kuZimbabwe. Chigaro ichi chinochinjanwa nenyika dziri mugungano iri.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa nyika yose Commissioner Paul Nyathi sezvo vasiri kudaira nharembozha yavo, asi mukuru wemapurisa, Commissioner-General Godwin Matanga, vakazivisa veruzhinji kuti vakaisa mapurisa akawanda nyika yose achange achichengetedza runyararo munguva yezororo remagamba pamwe nemusangano weSADC uyu.
Asi murongi wemisangano muboka revechidiki mubato reZanu PF, VaTaurai Kandishaya, vanoti sezvakavimbiswa nehurumende pamwe nemutungamiri wenyika, mapurisa akagadzirira kuranga vose vachawanikwa vachiedza kukanganisa musangano weSADC uyu pamwe nekusvibisa zita renyika.
Forum